Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKunetsana kwaVaChamisa naMuzvare Khupe Yoendeswa kuDare repaMusoro


Khupe Chamisa

Dare repamusoro soro reSupreme Court nemusi weChipiri rakatenda kuti nyaya yekunetsana nezvezita pakati peMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa uye imwe inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inzwikwe nechimbi chimbi asi idzokere kudare repasi payo reHigh Court.

Vatongi vange vachinzwa nyaya iyi ndiJustice Paddington Garwe, Justice Antonia Guvava uye Justice Anne-Marie Gowora. Gweta raMuzvare Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati sezvo nyaya iyi yanzi ndeyechimbi chimbi inofanira kuti inzwikwe mukati memazuva mashoma shoma.

VaMadhuku vatiwo vakambogara pasi nevatongo veSupreme Court vachizeya kuti nyaya iyi yonzwikwa nedare ripi.

VaThabani Mpofu, gweta range rakamirira MDC-T inotungamirirwa naVaChamisa vati chikwata chavo ndicho chakakwidza nyaya iyi kumatare.

Vaendera mberi vachitsinhira zvataurwa naVaMadhuku kuti nyaya iri kuda kugadziriswa kuti paonekwe kuti ndevapi vanekodzero yekushandisa zita iri.

Vamwe vanofungidzirwa kuti vatsigiri vavaChamisa vange vachiimba nziyo dzekunyomba Muzvare Khupe panze pedare iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG