Accessibility links

Breaking News

VaChivhayo neVamwe Vakuru Vakuru Votarisirwa Kusungiswa neNyaya yeHuori


Wicknell Chivhayo
Wicknell Chivhayo

Mukuru wekambani yeIntratrek, Va Wicknell Chivhayo, vari kusungiswa nekomiti yezvemigodhi nemagetsi, zvichitevera ongororo yakaitwa nekomiti iyi pahuori hunonzi hwakaitwa pakuvakwa kwegwenya remagetsi e solar ku Gwanda.

Gwenya iri rakavakwa nemari inoita mamirioni mazana maviri emadhora.

Vamwe vari kusungiswa nekomiti iyi vanosanganisira vakombova makurukota ezvemhando dzemoto, VaElton Mangoma, naVaSamuel Undenge, VaDzikamai Mavhaire naVaMunacho Mutezo.

VaChivhayo vanoti ivo havavhundutsirwi nemapurisa nekuti vanoziva kuti havana mhosva yavakapara, saka vanogona kuenda kuchitokisi asi zvinoperera ipapo.

Studio7 haina kukwanisa kubata vose vaimbove makurukota vanonzi vari kuda kusingiswa nekomiti inotungamirwa naVaTemba Mliswa iyi.

Hapanawo kunyatsojeka kuti komiti yaMliswa ichange ichishanda seyi mukona kuti vakadomwa ava vasungiswa, kunyange hazvo komiti iyi yakabuda nechisungo chekuti ichasvitsa zvayakawana kumapurisa pamwe nekuZimbabwe Anti Corruption Commission.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMangoma, VaUndenge nevamwe vakadomwa nekomiti yaVaMliswa.

Vamwe vana mazvikokota venyaya dzine chekuita nehuori, uye vari regional programs manager wesangano re Anti-Corruption Trust in Africa, Va Munyaradzi Alois Chaumba, vanoti masangano akazvimiriria ega akafanana ne Zimbabwe Anti Corruption haana kusununguka kushanda asina ziso rehurumende zvinova zvinoita kuti basa ravo risanyatsojeke zvakanaka.

Vatiwo mapurisa anofanira kushanda neparamende kuti kana pane vakapara mhosva, vabatirwe mhosva dzavakapara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG