Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveHutano Dzotyira Kupararira kweChimbwamupengo


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dziri kutyira zvikuru kuti chirwere chechimbwamupengo chichapararira zvakanyanya zvikuru sezvo vanhu vakawanda vari kurumwa nembwa dzisina kubaiwa jekiseni rinodzivirira chirwere ichi.

Vanhu vanodarika mazana mana vanonzi vari kurumwa svondo rega rega nembwa dzisina kubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere chechimbwamupengo, izvo zvava kutyirwa kuti dambudziko rechirwere ichi, rinogona kuvhiringa hutano hwemunhu vakawanda vanenge varumwa.

Imbwa dziri kuruma vanhu idzi dzinonzi dzinenge dzisina kuchengetedzwa mudzimba, zvinopa kuti dziswere dzichizvifambira muguta reHarare.

Nyazvi munyaya dzezvehutano, Dr. Josephat Chiripanyanga, vanoti kana munhu arumwa nembwa, anofanira kuona muridzi wembwa yamuruma kuitira kuti azive kana yakabaiwa nhomba yechimbwamupengo.

Dr. Chiripanyanga vanoti chirwere chechimbwamupengo chinonetsa kurapa zvokuti murwere akanonokerwa kurapwa, anoguma ave kuhukura sembwa kusvikira azofa nokuti anenge anonokerwa kurapwa.

Dr. Chiripanyanga vanoti munhu anofanira kuenda kuchipatara mukati memazuva matatu kubva paanenge arumwa nembwa kuitira kuti majekiseni aanozobaiwa akwanise kushanda kuuraya huturu hwechimbwamupengo.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rehutano, Dr. Portia Manangazira, vanoti vanhu vanodarika mazana mana vanorumwa nembwa uye zhinji dzacho dzinenge dzisina kubaiwa nhomba yechimbwamupengo.

Dr. Manangazira vanoti pasi rose hakuna munhu akararama mushure mokunge arumwa nembwa ine chimbwamupengo.

Sekuru Kamwelo Banda veku Cranborne vanoti zvinoshamisa kuona vanhu vanogara nembwa dzinodarika gumi padzimba dzavo zvinova zvinhu zvisingabvumirwe pamutemo weHarare City Council.

Dr. Manangazira vanoti mutemo wePublic Health Act unoraira maguta ose kuti vatevedzere zvakatarwa maererano nehuhwandu hwembwa hunofanirwa kuchengetwa paimba yoga yoga vakati asi mutemo uyu hausi kutevedzerwa.

Dr. Manangazira vanoti vanhu vanodarika zviuru zvisere vakarumwa nembwa gore rakapfuura munyika zvikaonekwa kuti chikamu chikuru chembwa idzi dzaiva dzisina kubaiwa nhomba yechimbwamupengo.

Studio 7 yakaedza kunzwa kubva kumutauriri weHarare, VaMichael Chideme, kuti sei kanzuru yavo isiri kutevedzera mitemo inovasungira kuona kuti imbwa dzemuguta dzabaiwa nhomba here kana kuti kwete, asi havana kuda kutaura nezvazvo.

Asi VaChideme vanoti munhu wese anosungirwa kuchengetera imbwa dzake pamba pakakomberedzwa nemudhuri uye paine ghedhe rinovharwa kuitira kuti dzisaruma vanhu vanenge vachizvifambira.

VaChideme vanoti kanzuru yavo iri kushushikana zvikuru nenyaya yembwa dziri kungomhanya mhanya munzvimbo dzakawanda dzisina muridzi wadzo.

Mumwe mushandi wekuZimbabwe Society for The Prevention of Cruelty to Animals, uyo akaramba kudomwa nezita rake, sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, anoti vanhu vazhinji vari kutadza kuchengeta imbwa dzavo nepamusana pekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG