Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Mangoda Chete Haapedzi Dambudziko reZimbabwe


Imwe nyanzvi munyaya dzezvemari inoti vanhu muZimbabwe havafaniri kutarisira kuchinja kweupenyu hwavo nechimbi chimbi mushure mekutengeswa kwemangoda ekwaMarange nezuro muHarare.

Va Eric Block vanoti pamari yakawanikwa neChitatu inoita mamiriyoni makumi manomwe nemaviri emadhora ekuAmerica, mari zhinji ichange ichienda kukambani ine mangoda akatengeswa, kwete hurumende. VaBlock vanoti hurumende ichawana chete mari yemutero chete ingangosvika mamiriyoni matatu matatu emadhora.

Asi imwe nyanzvi inoshanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Va Godfrey Kanyeze, vanoti sangano ravo richiri kuita ongororo yekuti nyika ingawana marii pamangoda achatengeswa, nekuti hurumende ine mutemo mutsva unobata mighodhi yese, kuitira kuti nyika iwanewo cheuviri muzvicherwa zvayo.

Gurukota remari, VaTendai Biti, havana kukwanisa kutaura zvakawanda kunze kwekuti ichokwadi kuti vakabvumirana negurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, kuti vagadzire hwaro hwekuwona kuti hurumende yawana mari inokodzera kubva mukutengeswa kwemangoda aya.

Zvichakadaro, vamwe vakuru vehurumende vasangana nenhumwe dze Kimberly Process dziri kuenderera mberi neongororo pakuchera nekutengesa mangoda ekwaMarange.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, vapindawo mumusangano uyu. VaMutambara vanoti veKP varatidza kufara nezviri kuitwa neZimbabwe munyaya yekucherwa nekutengeswa kwemangoda munyika.

XS
SM
MD
LG