Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvirwere Zvinobata Vana Vadiki


Sangano re World Health Organization (WHO) riri kuita musangano wavana zvipangamazano munyaya dzehutano, uyo wakanangana nekubaiwa nhomba kwevana vadiki kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvakaita se polio negwirikwiti.

Mukuru weWHO mudunhu reAfrica, Dr Luis Gomes Sambo, vanoti musangano uyu uchatarisa nyaya dzekudzivirirwa kwezvirwere muvana vadiki munyika makumi mana nenhanhatu dzemuAfrica.

VaSambo vanoti pari zvino vana vemu Africa vari pasi pemakore mashanu vanosvika zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvevana vepasi rose, vari kufa nezvirwere izvi, izvo zvinogona kurapika.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti musangano uyu uchapa Zimbabwe ruzivo rwakawanda urwo rwuchapa kuti nyika igare yakagadzirira mukurwisa zvirwere zvinouraya vana vadiki.

Vari pamusangano uyu vanosanganisira nyanzvi munyaya dzehutano muAfrica, vana mazvikokota mumapazi ezvehutano muAfrica pamwe nemakurukota ezvehutano. Musangano uyu uri kupera neChitatu.

Nemusi weChina kuchange kuine zvakare musangano mukuru wemuAfrica weInter-Agency Coordination Committee muHarare.

XS
SM
MD
LG