Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Chirwere cheKuzvarwa Mwana Akaremara Makumbo


Kune vana vanodarika mazana mana vanozvarwa nechirwere checlubfoot, icho chinoita kuti makumbo atarisane nechemukati zvokuti vabereki vazhinji vanotozviona mwana ave kuda kumbaira kana kufamba.

Chirwere ichi chikasagadziriswa nenyanzvi dzinoona nezvedenda iri, zvinokonzera kuti vana ava vazokura vakaremara makumbo aya vamwe vacho vachizoguma vaakufamba nezvigumwe zvekutsoka. Kiri Mudzamiri anotipa nyaya izere.

Mubereki anemwana anechirwere ichi VaJazinta Machache vekuChivhu vanoti mwana wavo akazvarwa akaremara nenzira iyi zvokuti varikubatsirwa nenyanzvi dzinozivikanwa nezita rokuti orthopaedic surgeons vanotasanura makumbo akaremara aya.

Chirwere che clubfoot chinoita kuti gumbo risakwanise kutsika pasi zvokuti tsinga dzekumashure kwemakumbo aya anenge ari mapfupi zvokuti mwana haakwanise kutsika chitsitsinho pasi.

VaMachache vanoti vakaona mwana wavo anonoka kufamba vakakurumidza kumuendesa kunyanzvi dzehutano kwavakazowana rubatsiro.

VaMachache vanoti kuremara uku kunofanirwa kuongororwa mwana achiri mucheche zvokuti vehutano vekumakiriniki avaienda kunorapisa mwana havana kuona dambudziko kusvikira vazoona kuti mwana uyu aiva anonoka kukambaira.

VaMachache vanoti mwana wavo akapfekedzwa butsu inesimbi inobata imwe butsu zvokuti hadzibviswe kwemwedzi mitatu ozoitwa oparesheni yokutwasanudza tsinga dzirikuseri kwemakumbo.

VaMachache vanoti zvinotora makore mana kuti makumbo aya agadzirike zvokutozofamba zvakanaka sezvinoitawo vamwe vana.

Nyazvi yezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vanoti denda iri harizivikanwe kuti rinokonzerwa nei zvokuti haisi mhosva yevabereki kuti mwana anozvarwa akaremara.

Imwe nyanzvi yaimiririra kodzero dzaana chiremba KuZimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, muchakabvu Dr Rutendo Bonde avo vakashaya mwedzi wakapfuura, mumwe wevanhu vakazvarwa nechirwere ichi asi makumbo avo akagadziriswa mushure kwekunge vaitwa maoparesheni masere vakakwanisa kukura vasina makumbo akaremara.

Zimbabwe inechirongwa chiripasi peZimbabwe Sustainable Clubfoot Prgramme, ZSCP, chinoshanda nezvipatara zvese zvemunyika muno panyaya yekugadzirisa makumbo akadai icho chakatangiswa mugore 2011 nenyanzvi dzakabva kuUnited Kingdom, Canada neKenya idzo dzakadzidzisawo nyanzvi dzehutano dzemunyika muno.

Vana vanodarika zviuru mazana maviri pasi rose vanozvarwa nechirwere ichi zvokuti vazhinji vacho vanokwanisa kurapwa zvokutozorarama zvakanaka vasina hurema uhwu.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG