Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Nezvekuipa kweChirwere Chekuoma kweMutezo


Mutungamiri weGabon President VaAli Bongo vakaitawo chirwere chekuoma mutezo

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chekuoma mutezo huri kuramba huchikwira zvakanyanya munyika zvinonzi zviri kukonzerwawo nezvirwere zvemoyo kana kuti Blood Pressure uye cheshuga.

Vanhu vanodarika mamiriyoni mazana matatu kana kuti 300 million pasi rose vane chirwere chemoyo chinogona kuti vagume vaoma mutezo. Pavanhu ava, panawo

VaObert Murwira vanobva kwaNyashanu kuBuhera. VaMurwira avavo vari kugara nemwana wavo muHarare kuSouthlea Park parizvino vanoti vari kurapwa chirwere chemoyo necheshuga zvakapa kuti vazoguma vaoma mutezo.

Nyanzvi munyaya dzezvemitezo VaHelkias Mbiru Chourombo vanoti kuoma kwemitezo kunokonzerwa netsinga dzinenge dzabvarukira muhuropi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutao Dr Josephat Chiripanyanga vanoti kune vane chirwere chemoyo neshuga, kuoma mutezo kanodarika kaviri zvinoreva kuti zvirwere izvi zvine zvisiri kurapika zvakanaka. Vati zvakakosha kuti vane zvirwere izvi vadye chikafu chavanenge vakurudzirwa navanachiremba kuchengetedza hutano hwavo.

Ko munhu angazive sei kuti ave kuda kuoma mutezo? Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti munhu anogona kutanga kunzwa kupera simba, kutadza kusimudza ruoko, uye kutadza kunyemwerera zvakanaka. Kazhinji izvi zvinoitika kudivi rimwe chete remuviri.

Vanhu vanogona zvekare kutadza kunzwa kurwadziwa kana vakabaiwa netsono chaiyo uye kutadza kutaura zvakanaka vachikweva mazwi. Vamwe vanotadza kumira zvakanaka kana kutadza kumedza.

Kune vamwe vanonzwa musoro uchirwadza votadza kuziva kuti zvinhu zviri kufamba sei. Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kana zvadai, zvakakosha kuti varwere vamhanyiswe kuchipatara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG