Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti Kushandisa Zvinodhaka Kunogona Kukonzera Rufu


Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira vanhu munyika kuti vanogona kukanganisika pfungwa dzavo uye hutano hwavo nekuda kwekunwa nekuputa zvinodhaka zvakaita semutoriro", "dombo" kana "guka" ganja cakes, mushonga wechikosoro kana kuti BronCleer (bronco), uye dororakaita se "musombodhiya".

Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti nekuda kwehuori, mapurisa ari kurega vanotengesa zvinhu izvi vachiita madiro aJojina.

Asi bepanhau reHerald rinoti vanotengesa zvinodhaka zana nemakumi mana nevatatu vakatosungwa mukupera kwevhiki kuMbare, Chitungwiza, Mabvuku, Epworth, Dzivarasekwa, Glen Norah, Mufakose, Southview neHighfield.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mapurisa haasi kuzodzora tsvimbo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa Dr Nemache Mawere avo vanoshandira kuInguthseni Psychiatric Hospital kuBulawayo vanoti vanhu vanoshandisa zvinodhaka nezvikonzero zvakawanda asi mhedzisiro yetsika iyi kuvhiringidzwa kunozoita pfungwa dzavo.

Mutungamiri webato rinopikisa reLEAD, Muzvare Linda Masarira, vanoti vari kushushikana zvikuru nekuparadzwa kwehupenyu hwevechidiki kuri kukonzerwa nezvinodhaka izvi.

Muzvare Masarira vanoti vakazvionera nemeso avo zvinoitika kuvanhu vanoshandisa zvinodhaka muhupenyu hwavo, sezvo mwanakomana wavo akatarisana nedambudziko iri. Vanoti vakaedza kuita zvose zvavanogona vachiedza

Amai Charity Mandishona, avo vanomirira kodzero dzemadzimai ari mumabhizimisi madiki uye vari nhengo yesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe vari kukurudzira hurumende kuti iparure zvirongwa zvekubatsira vechidiki vari kushandisa zvinodhaka.

Amai Mandishona vanoti zvimwe zvave kuvashungurudza nekuvarwadza inyaya yevanasikana nemadzimai makuru chaiwo anemhuri vavekushandisawo zvinodhaka, inova nyaya yovhiringidza magariro akanaka nemhuri dzavo.

Mufundisi Mazvarirashe Mabugu vanotungamirira Wisdom Church International iri kuBorrowdale vanoti vanhu vane matambudziko okupererwa nemazano pazvinhu zvavanosangana nazvo muhupenyu vanokwanisa kubatsirwa nema Counsellor akadzidzira basa iri.

Mufundisi Mabugu vanoendera mberi vachiti ivowo vakamboita chirwere chokufungisisa chinonzi pachirungu depression, asi vakawana rubatsiro.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa musangano reZimbabwe National Association for Mental Health, Dr Ignatius Murambidzi, vanoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa hwakakwira zvakanyanya kubva pakatanga kuvharwa kwemaindasitiri nemisika muna Kurume gore rakapera.

VaMurambidzi vanoti dambudziko revanhu vanoputa nekunwa zvinodhaka ririkuratidza kuti rakomba muZimbabwe uye zviri kuonekwa nekuzara kwakaita nzvimbo dzinorapwa varwere vepfungwa.

VaMurambidzi vanotiwo zvakare zvipatara zvehurumende zvinorapa varwere vepfungwa zvinoti Ngomahuru yekuMasvingo neIngutsheni kuBulawayo zvakazarawo nevarwere zvichinyanya kukonzerwawo nevechidiki varikunwa nekuputa zvinodhaka.

Ongororo yakaitwa nesangano reSocial Science Research Network, rinoti kushandiswa kwezvinodhaka izvi kuri kunyanya kubata vagari vemumadhorobha emunyika.

Sangano iri rinoti ongororo yarakaita inoratidza kuti vanhu makumu mashanu nemanomwe kubva muzana kana kuti 57% vakaonekwa vaine dambudziko rekukurirwa nezvinodhaka uye zvakabuda pachena kuti kunyangwe hazvo varapwi ava vachiziva kuti vanokwanisa kurapwa vanotya kuenda kuzvipatara nekufungidzira kuti vanosungwa sezvo mutemo usingabvumire kushandiswa kwezvinodhaka.

Bazi rezvehutano rakaparura chirongwa chokufamba muvanhu richitaura nezvehutano hwepfungwa gore rakapera asi chirongwa ichi chakambomiswa nemitemo inobata Covid-19.

Bepanhau reHerald rinotiwo mutauriri wematikitivha eCentral Intelligence Deopartment kana kuti CID vakati mapurisa ari kuzviziva kuti pane vamwe vavo vari kuita zvehuori vasingasunge vari kutengesa zvinodhaka asi vakavimbisa kutora matanho akasimba kuti dambudziko iri ripere.

Vanoti kana paine vanoziva mapurisa ari kuita zvehuori vakasungunuka kufona paZRP National Complaints Desk panhamba dzinoti 242-703631 kana kuti pa WhatsApp nhamba dzinoti 0712800197 kana kuti Police Anti-Corruption Unit kana Police Internal Investigations Department panhamba dzinori 0242-702083.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti matambudziko anosangana nevanoshandisa zvinodhaka anosanganisira kuita zvemhirizhonga, kurasika pfungwa, kuda kuzviuraya kana kuzviuraya, mhirizhonga, kusada kushanda uye kutadza kugarisana nehama neshamwari.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG