Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotyira Kupararira kweCoronavirus Kubva Kune Vari Kubva kuSouth Africa neDzimwe Nyika


Kusamira zvakanaka kwezvinhu kunzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu vari kubva kunze kwenyika uye kukwira zvakanyaya kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi kunyika inodyidzana neZimbabwe zvakanyanya yeSouth Africa kwave kupa kuti nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzitye kuti chirwere ichi chinogona kupa kuti zvipatara zvemuZimbabwe zvagara zvichinetseka zvibve zvagwadama.

Bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus hwasvika pamazana mabiri ane makumi masere nevanomwe kana kuti 287 vakawanda vacho vari vanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa, Botswan, Zambia ne Britain.

Kunyangwe dziumwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuti vamwe vanogoa kunge votapurirwa chirwere ichi munzvimbo dzavari kumbochengetwa kuti vavhenekwe, gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo vanoti zvinonetsa kuziva kuti ichokwadi here.

Doctor Moyo vati munguva inotevera vachatanga kuongorora vanhu vasati vatombopinda munzvimbo idzi kuitira kuti vagare vatopatsanura vari kurwara.

Vamwe vakadzoka munyika vachichengeterwa paHarare Polytechnic vasina kuda kudomwa nezita vatenda kuti vakagara kwenguva yakareba vasina kuvhenekwa.

Sachigaro wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights Dr Fortune Nyamande vanoti vari kushushikana nezviri kuitika mumaqurantine centres vachiti Zimabwe haisi kutevedzera zviga zveWorld Health Organization.

Dr Nyamande vati vari kushushukanawo nekuti kubvira zvakataurwa nedare repamusoro reHigh Court kuti hurumende igadzirise kuri kuchengeterwa vanhu, ongororo yavo inoratidza kuti hakuna zvati zvachinja.

Mukuru mubazi rezvehutano kuMashonaland West Dr Wenslus Nyamayaro vanoti kuwanikwa kwehutachiona muvanhu vashanu mukati mesvondo rimwe chete munzvimbo dziri kuchengeterwa vanenge vabva kunze kwenyika dzakaita seChinhoyi Training Centre, Jameson High neVhuti kuHurungwe kuchaita kuti vachengete vanhu ava kwenguva yakareba vari munzvimbo idzi kunyangwe vakawanda vasiri kutambira pfungwa iyi.

Chiremba Dr Brighton Chireka vanoshanda kuBritain vanoti parizvino zvinhu zvichiri nani hazvo sezvo pasina vanhu vakawanda vari kurwara vanoda kuendeswa kuzvipatara asi zvikachinja nyika inosangana nematambudziko maukutu.

Zimbabwe haina zvikwanisiro zvekuvheneka vanhu zvakakwana kana kuti matest kits izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda vatadze kuongororwa hutachiona hwecoronavirus.

Chave kutyisa vakawanda inyaya yevanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi kuSouth Africa iyo inodyidzana zvakanyanya neZimbabwe. Nyika iyi yave nevanhu vanodarika zviuru mazana mana nemashanu vabatwa nechirwere ichi.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG