Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopa Mazano paNyaya yeKunetseka neMbereko Kana Kurasa Demo


Sangano rinoona nezvekuronga mhuri, reZimbabwe National Family Planning Council, riri kukurudzira vanhukadzi nevanhurume kuti vaite vana vachiri kutemwa dzinobva ropa nekuti vakada kuzosviita vati kurei zvinogona kunetsa.

Kunyangwe vanhukadzi nevanhurume vose vachiita dambudziko iri, madzimai kazhinji anogumisira opihwa mhosva yekushaya mbero asi dzimwe nguva vari baba vanenge vakarasa demo.

Nyanzvi munyaya dzezvembereko, VaDenis Mlambo avo vanoshanda kukiriniki yeSpilhaus iri pasi peZimbabwe National Family Planning Council, ZNFPC, vanoti kune zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti munhukadzi kana munhurume asangane nedambudziko rembereko.

Vanoti kune vamwe vanozvarwa vaine mbereko yakadzikira kana kuti vanenge vakura pazera zvokuti vanozota dambudziko pakuita vana.

VaMlambo vataura kuti munhu akasaita mwana, nedzimwe nguva hazvireve kuti haazvare zvachose, asi kuti anenge aine dambudziko rembereko iro rinokwanisa kugadziriswa.

Vakaenderera mberi vachitiwo chikafu chiri kudyiwa mazuva ano chiri kukonzera matambudziko embereko.

Zvimwe zvirwere zvepabonde zvakaita segonorrhea kana kuti drop, nemahumunya, ayo anozivikanwa nezita rokuti mumps pachirungu zvinogona kukonzera kushaya mbereko kumadzimai kana kuti demo kuvarume.

Mumwe mudzimai, Amai Susan Rwenyambi vekuNehanda Housing kuDzivaresekwa Extension vakatsinhira mashoko ataurwa naVaMlambo vachiti vakanetseka zvikuru kuita vana nenyaya yokuda kumboita zvedzidzo yepamusoro. Izvi vanoti zvakapa kuti vazode kuita vana vakura zvikanetsa. Asi vanoti vakazoita vana vaviri.

Nyanzvi munyaya dzetsika dzepasichigare, Ambuya Prisca Chizano, vanoti chokwadi kuti kune vamwe vanhu vanokwanisa kunetseka nembereko, vakaendera mberi vachiti vazhinji vacho vanokwanisa kurapwa pachivanhu votozoita vana.

Munyori anoona nezvedzidzo musangano reZimbabwe Traditional Healers Association kana kuti ZINATHA, Sekuru Prince Sibanda vatsinhirawo mashoko ataurwa naAmbuya Chizano vachiti kune mishonga yepasichigare yakasiyasina-siyana yekuuchika varume nevakadzi kuti vawane mbereko.

Sangano reZNFPC rakaumbwa mugore 1985, riine chinangwa chokukurudzira nyaya dzekuronga mhuri chete asi kubva gore ra2011, rakazotangisawo kuongorora nezvenyaya dzembereko raona kuti dambudziko iri raiva ratekeshera mumhuri dzakawandisa.

VaMlambo, vanova mukoti mukuru kuZNFPC, vataura kuti vanobatsira vanhu vanodarika chiuru chimwe chete pagore vanobva kumakiriniki esangano ravo.

Asi vataura kuti kwava nenzira yokuuchika vane dambudziko rembereko inonzi pachirungu InVitro Fertilisation asi chirongwa ichi chinoshevedza mari yemadhora ekuAmerica anodarika zviuri zvitatu, zvokuti vazhinji havakwanise kubatsirika.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG