Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzonetsa neNyaya yeMishonga yeChivanhu


India Fish Medicine

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vanofanirwa kungwarira kusashandisa mishonga inenge isina kubva kuna vana chiremba vakadzidzira kuita basa rekupa vanhu mishonga inorapa zvirwere zvakasiyana siyana.

Kurudziro iyi inouya mushure mekunge vanhu vakawanda vava kushandisa mishonga yechivanhu sezvo vari kutadza kuwana mishonga zvichitevera mari yekunze yavasina, iyo iri kudiwa nezvitoro zvinotengesa mishonga.

Mumwe chiremba anoshanda nekiriniki yePublic Medical Services International, Dr Sydney Mukonoweshuro, vari kukurudzira zvikuru vanorwara neHigh Blood Pressure pamwe nechirwere cheshuga kuti vasashandisa mishonga yechivanhu isina kuongororwa, sezvo mishonga iyi ichikwanisa kuwedzera kuvhiringa hupenyu hwemurwere.

Kunyange hazvo munyika musina mari yekunze, Dr Mukonoweshuro vanoti hazvina kunaka zviri kuitwa nezvitoro zvemishonga zvinoomesera vakwegura nekuvabhadharisa madhora ekuAmerica.

Dr Mukonoweshuro vanoti hurumende inofanirwa kuumba homwe yemari inotenga mishonga yeshuga nokuti murwere haafanirwe kupedza mazuva maviri asina kupihwa mushonga we insulin.

Asi maonero aDoctor Mukunoweshuro anopesana zvikuru nemaonero aSister Yulittah Chirawu, avo vanoshanda neNature Is The Pharmarcy, iyo iri pasi pechita cheLittle Children of Our Blessed Lady.

Sister Chirawu vanoti mishonga yema herbs iri kubatsira zvikuru varwere veshuga nezvimwe zvirere zvakasiyana siyana.

Sister Chirawu, avo vakadzidzira kushandiswa kwema herbs kuBritain, vanoti donzvo rekereke yavo yeRoman Catholic, nderekubatsira vanhu vanoshaya, zvikuru madzimai kuitira kuti varapwe zvirwere zvakasiyana siyana vachibhadhara mari shoma.

Mumwe chiremba asina kuda kudomwa nezita rake anoti zvakakosha kuti munhu ane chirwere cheshuga apote achinwa mishonga nguva dzose, kuitira kuti asawedzere kuvhiringa hutano hwake.

Dr Mukonoweshuro vanoti sezvo munyika muine dambudziko remari yekunze, zvakakosha panguva ino kuti hama dziri kunze kwenyika dzibatsire hama dziri kumusha nekudzitengera mishonga inogona kushandiswa kwemwedzi mitatu, kana kudzitumira mari yekunze.

Masangano anoshanda munyaya dzehutano muZimbabwe ari kukurudzirawo kuti zvirwere zveshuga ne BP, zvirapwewo pachena sezvinoitwa zvimwe zvirwere.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvehutano pakurudziro iri kuitwa iyi.

Asi vachitaura nguva pfupi yapfuura pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvehutano, munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, vakati bazi ravo rakanzi richapihwa chidimbu chemari yarakanga rakumbira yebhiriyoni imwechete nemazana matatu emamiriyoni emadhora mubhajeti regore rinouya.

VaGwinji vakati izvi zvichatadzisa bazi ravo kuita basa raro nemazvo, uye kutadza kuwanisa mishonga kuvanhu vanoshaya.

Ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano inoratidza kuti munhu mumwe chete kubva pavanhu gumi, ane chirwere cheshuga muZimbabwe.

Izvi zvinoreva kuti zvikamu gumi kubva muzana zvevanhu vemuZimbabwe, vane chirwere cheshuga.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG