Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Vanhu Kuti Vagare Mudzimba Asi Vakawanda Vachiti Havana Chekudya


Apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vatange kugara mumba kutanga mangwana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vangwarire kutapurirwa chirwere sezvo parizvino vanhu vari kuvhenekwa vachiri vashoma.

Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe Dr Alex Gasasira vati vatambira kurudziro yekuti vanhu vambogara mumba nekuti zvinopa kuti vannhu vasatapurirane chirwere.

Munyori mukuru wesangano ravanachiremba reSenior Hospital Doctors Association, Doctor Aaron Musara vati huwandu hwevanhu varikubatwa nechirwere ichi hunoratidza pachena kuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka.

VaMusara vakurudzira veruzhinji kuti vatevedzere kurudziro dzavanachiremba kuti chirwere ichi chisapararire. Vanhu vanhu vasaende pane magungano, vapfeke mamask zvakanaka vakavhara mhuno nemuromo uyewo kugeza maoko nguva dzose.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vatiwo danho rakatorwa nehurumende reLockdown rakakosha zvikuru vachiti kusamira zvakanaka kwehupfumi munyika kunopa kuti ruzhinji rufambe zvakanyanya izvo zvinowedzera kupararira kwechirwere ichi.

Amai Labode vati kunyangwe hazvo Lockdown ichikanganisa mararamiro evanhu, kudzivirira kurambopararira kwechirwere kwakakosha vachitiwo kuvhurwa kwemuganhu pakati peSouth Africa neZimbabwe kunogona kuriko kwakonzera kukwira kwehuwandu hwevari kubatwa nechirwere cheCovid-19

Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vaudzawo Studio 7 kuti zviri pachena kuti hurumende yamomoterwa. VaMadzorera vati hurumende haina mari yekuongorora zvakanyanya vakati chakakosha panguva ino kuti munhu wega wega azvigarire kumba kuchengetedza hutano.

Asi Muzvare Joylene Nyachuru mumwe mugari weku Glenview vati kuisa nyika mulockdown vanhu vasina chouviri hakuna zvakunobatsira.

VaChristopher Gohori mumwezve mugari wemuHarare vatiwo pasina kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemvura muHarare, vanhu kunyanya kumisha inogara vazhinji vacharamba vachiungana pazvibhorani sezvo vasingakwanisi kugara vasina mvura.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nekuda kwekukwira kuri kuita chirwere cheCovid-19

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



, vanhu vanenge vokurudzirwa kugara mumba kana kuti Lockdown kutanga mangwana.

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti kubva neChipiri, mamwe makambani anenge asingachashandi uyewo rakatorambidza magungano kusara kwevanenge vachienda kurufu asi vasingadarike makumi matatu. Vanhu vanenge vasisabvumidzwe kuenda kune mamwe maguta.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG