Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Kusasarura Vari Kurwara neCovid-19


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dambudziko rechirwere cheCovid-19 rinopera chete kana munhu wese atora matanho ekuzvidzivira kubva kuchirwere ichi.

Nyanzvi idzi dzinotiwo vanhu vanenge vabatwa nechirwere ichi vanofanirwa kutevedzera kurudziro kubva kubazi rezvehutano pamwe nesangano reWorld Health Organization zvokuona kuti vazvipatsanura kuhama neshamwari dzavo kuitira kuti chirwere ichi chasapararire.

Mumwe mudzimai wekuMberengwa, Amai Ruramai Moyo, vanoti vakazvitsaudza mushure mekunge baba vavo vakanga vabva kuUnited Kingdom vafa nechirwere cheCovid-19.

Sezvo vakanga vasangana nababa vavo pavairwara vasingazive kuti vaive nechirwere ichi, Amai Moyo vanoti vakatora matanho anokurudzirwa nenyanzvi dzehutano pavakaziva chakanga chaita kuti baba vavo vashaye.

Senzira yekudzivirira chirwere ichi, Amai Moyo vanoti hapana munhu anobvumirwa kuvashanyira kumba kwavo kudzimara denda iri rapera hukasha hwaro.

Amai Moyo vanoti panguva yavaive vakazvitsaudza, vaishanyirwa nevebazi rehutano vachiongororwa kaviri pazuva zvokuti havasati vatombobuda mumba kubva musi wa 3 Ndira.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti chikamu chikuru chevanhu vanobatwa neCovid 19, kana vakatevedza zvinokuudzirwa kuita nenyanzvi, uye kuzvitsaudza kuitira kuti vasatapurire hama neshamwari chirwere ichi.

Dr Matara vanokurudzira vanogara mudzimba dzakamakidzana kuti anenge abatwa neCovid-19 aende kunogara kunzvimbo dzakatarwa nehurumende kuitira kuti asatapurire chirwere ichi kuvamwe vake.

Vanoti murwere uyu anofanirwa kudzokera kumba kana chirwere ichi chapera mumuviri make.

Dr Matara vanoti hama neshamwari dzinofanira kubata varwere veCovid-19 zvakanaka nokuti zviri kuonekwa kuti pane kusemwa kuri kuitika zvokuti vamwe vave kutorwara nepfungwa nenyaya yokusemwa kwavari kuitwa nevanhu vanofanira kunge vachivasimudzira nemashoko anonyaradza.

Nyanzvi yehutano hwepfungwa Dr David Mukwekwezeka vanoti dambudziko guru riripo nderekuti vanhu havasi kuteerera yambiro dzavari kuudzwa nenyazvi dzehutano zvokuti ndizvo zviri kukonzera kuti denda iri rirambe richitenderera muvanhu.

Studio 7 haina kunzwa kubva kumukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, sezvo vasina kubatika panherembozha yavo, kana kupindura mibvunzo yatakavatumira.

Asi kanzuru yeHarare ine hurongwa hwekuoongorora pamwe nekurapa pachena chirwere cheCovid-19 muzvipatara zvayo nemakiriniki makuru gumi nemaviri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano parimire panyaya yedambudziko iri, asi vakafanobata chigaro chemunyori mubazi iri, VaRobert Mudyirandima, vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti pane hurongwa hwekutsvaga mari yekubatsira mukutengwa kwenhomba yeCovid-19.

Zimbabwe, iyo iri kutatarika munyaya dzemari, iri kushandawo neWorld Health Organization muchirongwa che COVAX icho chakanangana nekuwanira vanoshaya nhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni matatu munyika. Chirongwa cheCOVAX chiri kufanirwa kutanga mwedzi uno.

Kudzamara chirongwa cheCOVAX chatanga, vanhu vakawanda vakaita saAmai Ruramai Moyo vachagara vachityira mhuri nehama dzavo kuti dzinogona kubatwa nechirwere ichi sezvo nhomba yacho isati yava kuwaniswa veruzhinji muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG