Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mutemo we HIV Wakanaka Asi Unoda Kusimbiswa


Vazhinji mu Zimbabwe vanonzi havazivi nezvemutemo unochengetedza kuti vanhu vasatapurirane utachiona mambune. Dzimwe nyanzvi dziri kuti kunyange hapo paine mitemo inobatsira, vanhu vanofanira kuzvichengetedza vega kuti vasapihwa utachiona wozopedzisira vokwidzana kumatare

Matare emu Zimbabwe ari kunzwa nyaya dzevaimbodanana vari kuendesana kumatare vachipumhana mhosva dzekupana utachiona hwe HIV munhu achiziva kuti hake kuti ropa rake harichina kunaka.

Kunyange hazvo huwandu hwenyaya dzakadai dziri mumatare husati hozivikanwa, vakawanda vachiri kutaura pamusoro penyaya yemumiriri we Insiza, Va Siyabonga Malandu Ncube, avo vakaendeswa kumatare edzimhosva nemutori wenhau, Simiso Mlevu, achiti akanga atapurirwa hutachiona naVa Malandu Ncube ivo vachiziva kuti vaive ne HIV.

Asi VaMalandu Ncube vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Pamusoro pezvo, dare repamusoro rakaramba kuti VaMalandu Ncube vaongororwe ropa ravo kana rakange riine HIV.

Vazhinji mu Zimbabwe vanonzi havazivi nezvemutemo unochengetedza kuti vanhu vasatapurirane utachiona mambune. Dzimwe nyanzvi dziri kuti kunyange hapo paine mitemo inobatsira, vanhu vanofanira kuzvichengetedza vega kuti vasapihwa utachiona wozopedzisira vokwidzana kumatare.

Va Kucaca Phulu igweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights. Va Phulu vanoti mutemo uyu wakanaka kasi unoda kuti simbiswei munyaya dzekuchengetedza vanopomerwa nekupomera mhosva.

Va Frenk Guni inyanzvi munyaya dze HIV/Aids. Va Guni vanoti mutemo uripo pane ino nguva mu Zimbabwe, wakasimba zvikuru, asi dzidziso yekuzvidzvirira inofanira kuramba ichienderera mberi.

XS
SM
MD
LG