Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Kuwedzera kweMari yeMitero yeZimra Munongedzowo weKukwira Zvakanyanya kweMitengo yeZvinhu


FILE - Trucks laden with goods headed for Zimbabwe are seen near the Beitbride border post between South Africa and Zimbabwe, in Musina, South Africa, March 28, 2008.
FILE - Trucks laden with goods headed for Zimbabwe are seen near the Beitbride border post between South Africa and Zimbabwe, in Musina, South Africa, March 28, 2008.

Zimbabwe Revenue Authority kana kuti Zimra inoti mumwedzi mitatu yadarika yakakwanisa kuwana mari yakawanda zvikuru pane yayaitarisira kubva kumitero inobhadharwa nemakambani nevanhu.

Zimra inoti yakakwanisa kuwana mari inosvika mabhiriyoni makumi mashanu nemanomwe kana kuti ZW$57 billion asi iyo yaitarisira mari inodarika zvishoma mabhiriyoni makumi mana nemana emuyika. Gore rapera panduva imwe chete, Zimra inoti yange yawana mari inodarika mabhiriyoni matanhatu chete kubva kumitero.

Zimra inoti izvi zvakonzerwa nekuti yakasimbaradza kuti pasaitwe huori panyaya yekubhadhara mitero asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation ndiyo iri kupa kuti Zimra iite seyakarova ndima.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti pane zvabuda kubva kuZimra zvinongoratidza kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

Mashoko aya atsinhirwa nemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, avo vatiwo kusadzikama kwemitengo ndiko kwapa kuti mari iri kuwanikwa neZimra iwande.

Dr Murefu vati kana mari yavepo hurumende inofanirawo kuita zvimwe zvinosimudzira hupfumi zvakaita sekugadzira migwagwa uye kubhadhara vashandi uye kuti ibvise mutero wemadhora maviri kubva muzana pane zvinotengeswa nevemabhizimisi kana kuti 2% Tax.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vatiwo hupfumi hwenyika hwakanganiswa nekukwira kwemitengo yezvinhu uye zviri kubva kuburitswa neZimra zvinoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Asi kunyangwe hazvo Zimra iri kuwana mari yakati wandei iyi, kumigodhi kuri kutarisirwa kubuda mari yakati wandei hakuna chiri kunyatsobuda.

Zimra inoti yakatowana mari shoma pane yayaitarisira. Izvi zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi zviri kukonzerwa nehuori.

Asi Zimra inoti kuzvicherwa kwainge kuine zvimhingamupinyi zvakawanda zvakakonmzerwa neCovid-19 uye kudzimwa dzimwa kwemagetsi.

Zimra inoti mari yemitero yakawanda yakabva kuvanhuwo zvavo vane mari inodarika zvikamu gumi nezvishanu kana kuti 15, 26%, makambani zvikamu zvinodarika gumi nezvina, 14, 63%, mari yemitero kana kuti excise duty zvikamu gumi nezvina kana kuti 14, 17%, uye mari yemitero kana kuti VAT mune zvinotengeswa munyika nekunze.

Sachigaro weZimra, Amai Josephine Matambo, vanoti zvimwe zvakapa kuti vakwanise kuwedzera mari yavakawana kubva mutero kushandisa ndege dzchizvino zvino kana kuti ma drones kumiganhu yenyika kuti vanhu vasapoye nezvinhu, kupawo vemabhizimisi chidokwa dokwa chekuti vabhadhare mari dzemitero kana kuti maincentives uye kuvhurwa kwemakambani mushure mekumbovharwa munguva yekurwisa Covid-19 kana kuti lockdown.

Amai Matambo vanoti vave kutarisira kuwana mari inosvika zana remabhiriyoni rine makumi manomwe nemaviri kana kuti ZW$172 billion mugore rino.

Asi Zimra yainge yakatarisira mari inodarika mabhiriyoni makumi masere nematanhatu kana kuti ZW$86 billion yemunyika.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG