Accessibility links

Nyanzvi dzeZvematongerwo eNyika Dzopesana Pfunngwa paNyaya yeNhaurirano

  • Blessing Zulu

Pane kusawirirana kukuru panyaya yenhaurirano pakati pemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ayo akatanga nhaurirano kuCapeT Town South Africa neChina

Vamwe vanoti vaneta nenyaya yenhaurirano dzoita kunge bhasikiti ratizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudununurwa.

SADC iri kutarisira kuti iite musangano weExtrarordinary Summit kuNamibia musi wa20 Chivabvu apo pachataurwa nyaya yezimbabwe.

Gwaro rinenge rabuda panhaurirano dzakatanga neChina ndiro richazoturwa nemutungamiri weSouth Africa, vajacob zuma, kuvatungamiri venyika dzemuSADC vanenge vari kumusangano uyu.

SADC yaimbengewo yatumira nhumwa dzayo kuamerica, britain neeuropean union kuti vataure nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, varobert mugabe, nevamwe vavo muZANU-PF, zvibviswe.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti SADC yaida kuti kutaurirana neZANU-PF kusanetse kuNamibia.

Asi chipangamazano chaVaZuma chaive pamisangano iyi, muzvare Lindiwe Zulu, vanoti kunyika idzi zvinhu hazvina kunyatsobuda zvakanaka nekuti nyika idzi dziri kuti dzinoda kuti ZANU-PF itange yachinja maitiro vasati vabvisa zvirango zvakatemerwa vakuru veZANU-PF.

Izvi zvinonzi zvichapa kuti zvinhu zvinetse kugadzirisa muzimbabwe sezvo nyaya yezvirango rwuri irwo rwiyo rwezanu-pf.

VaPedzisayi Ruhanya nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vanoti havaone musangano uyu uine chisvinu chaunoburitsa.

Asi VaLivingstone Dzikira nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vanoti hapana chinotadzisa kuti vanhu ava vabude nechouviri.

XS
SM
MD
LG