Accessibility links

Breaking News

Hukama hweBritain neZimbabwe Hworamba Huchishata.


Britain
Britain

Nyanzvi dzehupfumi dzinoti hukama hweBritain neZimbabwe hwuri kuramba huchishata panguva iyo Zimbabwe iri kutarisira kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzekumavirira.

Izvi zvinotevera mashoko eBritain ekuti ichatemera zvirango zvehupfumi kuvanhu vane chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Nyanzvi mune zvehupfumi, uye vachishanda vakazvimirira kuMaputo, ku Mozambique, Va Mike Matake Machingambi, vanoti Zimbabwe haigoni kurarama isina rutsigiro rweBritain.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, vachiita zvidzidzo zvepamusoro kuHoward University muAmerica, Va Kelvin Manduna, vanoti kune zvakawanda zvinoda kugadziriswa neZimbabwe kuitira kuti ichengetedze hukama hwayo neBritain.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa ku Devry University ku Ohio, mu America, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kuwedzerwa kwezvirango zvehupfumi kunowedzera matambudziko kune veruzhiji vagara vachitambura.

VaMasocha vanoti zviri nani kutungamidza kutaurirana pakati penyika mbiri idzi nekuti ndizvo zvinobatsira kudarika kutemerana zvirango zvehupfumi.

Britain inoti hurumende yaVaMnangagwa yatadza kuratidza kuti ine chido chekuchinja maitiro ayo, yoonekwa ichiremekedza kodzero dzemunhu wese.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti zviri pachena kuti Britain haisi kuzobvumidza Zimbabwe kuti idzokere muCommonwealth sezvo zckaitika mwedzi wapera, pamwe nezvakaitika mushure mesarudzo gore rapera, zvasiya zita reZimbabwe rakasviba.

Asi mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vanoti Zimbabwe haisi mubishi rekuti idzokere mugungano renyika dzemu Commonwealth, umo yakabuda muna 2003.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG