Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzezvehupfumi Dzoti Gwaro Re2019 Budget Strategy Paper – BSP Rrakanaka, Basa Guru Kuzadzisa Zvarinotaura.


Finance Minister Mthuli Ncube
Finance Minister Mthuli Ncube

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliota Masocha vanodzidzisa paDevry University kuOhio vanoti gwaro rakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube rebhajeti regore rinoshanda chete kana hurumende yakazvipira kuvandudza zvinhu. Muzvinafundo Masocha vanoti hurumende ine magwaro akawanda ayaburitsa asi hapana chinobuda.

Gwaro iri rinonzi 2019 Budget Strategy Paper uye rino buritsa pachena zvinoda kuitwa nehurumende mukushandiswa kwemari kusvika muna 2021. Rinobatsirawo hurumende kuronga nezvemuone wayo unonzi Vision 2030.

Gwaro iri rinotaurawo pamusoro pekuderedzwa kwezvinofanira kubhadharwa nehurumende uye kupedzwa kwe zvikwereti zvenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG