Accessibility links

Breaking News

Nyakunzi Akatuka VaMnangagwa kuBulawayo Omiswa pamberi peDare


VaKgalame Mothlante pakati vari muHarare
VaKgalame Mothlante pakati vari muHarare

Mapurisa emu Bulawayo, nemusi weChishanu akasunga VaWisdom Mkwananzi achivapomera mhosva yekusvibisa zita remutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Paipiwa humbowo kuBulawayo hwezvakaitika pakupfurwa kwevanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu muHarare, VaMkwananzi vanonzi vakanongedzera mufananidzo wa VaMnangagwa vachiti inherera nekuti VaMnangagwa vakauraya vabereki vavo panguva yeGukurahundi.

VaMkwananzi, avo vari kumiririrwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda vaudza Studio 7 kuti magweta eZLHR arikuenda kudare redzimhosva nemusi weMuvhuro kunochema chema kuti VaMkwananzi vabvumidzwe kubisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG