Accessibility links

Breaking News

NPRC Yonzwa Humbowo paNyaya yeGukurahundi Kutanga kweMwedzi Uno


Komisheni inoona nezverunyararo nekuregererana, yeNational Peace and Renciliation, nhasi yazivisa kuti ichatanga kunzwa humbowo kubva kune veruzhinji pamusoro peGukurahundi pakati pemwedzi uno kana ichinge yapedza kutsanangurira veruzhinji gwara rairi kutora mukuita basa rayo kana kuti maOuthreach Programs ayo iri kuitwa mumatunhu ese munyika.

Vachitaura pamusangano waitwa nekomisheni iyi muHarare, imwe nhengo yekomisheni iyi, Amai Netty Musanhu vati kana chirongwa chavari kuita parizvino munyika yese chapera, vachatanga kunzwa humbowo kubva kune veruzhinji munzvimbo dzakaitika Gukurahundi.

Vati komisheni yavo iri kutora danho iri nekuti veruzhinji vakaratidza kuti vachivimba nekutenda basa rekomisheni iyi kana ikange yagadzirisa nyaya yeGukurahundi.

Asi mumwe apinda mumusangano uyu asina kuda kudomwa nezita, aratidza kusafara nenyaya yekuti pane vamwe vakaurayiwa paGukurahundi vave kutofukunurwa komisheni isina kuzivisa veruzhinji.

Asi makomishina eNPRC ati komisheni yavo haisati yatanga kuita zvekufukunura makuva evakafa.

Ati svondo rapfuura komisheni yakakokwa neimwe mhuri kuTsholotsho kuti ipe huchapupu apo imwe mhuri yaichera makuva ehama dzavo dzakapondwa panuva yeGukurahundi.

Zvinofungidzirwa kuti pane vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vakaurawa panguva yegukurahundi kumatunhu eMatabeleland neMidlands.

Amai Emerenzia Chitsaka vaudzawo komisheni iyi kuti mabhizimisi avo anoparadzwa panguva yemhirizhonga uye inyaya yavanoda kuti komisheni yavo igadzirise.

Komishina Musanhu vati kunyange hazvo komisheni yavo iri kutanga kunzwa humbowo panyaya yeGukurahundi, pane nyaya dzakawanda dzakabuda mumatunhu akasiyana siyana dzichaongororwa nekomisheni yavo.

Vati nyaya yeGukurahundi yakabuda zvakanyanya kumatunhu eMidlands, Bulawayo, Matabeleland North neSouth uye kumatunhu eMashonaland East, Central neWest nyaya dziri kunetsa vanhu inyaya dzemhirizhonga panguva yesarudzo kozoti kuManicaland vanhu veko havasi kufara nemafambisirwe akaitwa nyaya dzemangoda ukuwo kuMasvingo vagari vachiti havasi kufara nenyaya yekuti vakabviswa munzvimbo dzavaigara kuti pavakwe madhamu akaita seTokwe Mukosi kana mamwe mabasa ebudiriro asi vasingapihwe muripo sezviri mubumbiro remutemo.

Komisheni iyi yati ichaongorora nyaya idzi dzose nekutora matanho ese anodiwa akaita sekuti vakapara mhosva varipe kana kusungwa uye vati vachashanda neveruzhinji oanguva dzose.

Komishina Geoffrey Chada vati vanhu vakasununguka kupa humbowo kutokomisheni yavo uye pasi pemutemo imhosva kurambidzidza kana kutyisidzira munhu anenge apa humbowo komisheni yavo.

Vati nekuda kwaizvozvo vese vachapa humbowo kukomisheni iyi vachange vakachengetedzwa nemutemo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya -
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG