Accessibility links

Breaking News

Magetsi Onetsa Kuwana kuMasvingo


ZESA

Vagari vekuMasvingo vanoti vari kugara vasina magetsi nguva zhinji izvo zviri kuvhiringa mararamiro avo sezvo zvinhu zvakawanda zvavanoshandisa zvichida magetsi kuti zvishande.

Vagari vakawanda vanoti vari kupedza maawa akawanda vasina magetsi pazuva sezvo kambani yeZesa iri kudzima magetsi aya isina kumbovayambira.

Mumwe mugari wemuHillside, Amai Entrance Takaedza, vanoti kutsvaga dzimwe mhando dzemoto kunovadhurira sezvo vachipedzisira votenga huni kana gasi asi iwo vakabhdhara mari yakawanda vachitenga magetsi ekushandisa pasi pechirongwa chePrepaid meters.

Vamwe vagari vanoti nekuda kwekudzimwa dzimwa kwemagetsi, mabhizimusi akawanda ari kudonhera pasi.

Mumwe muzvinabhizinesi akazvimirira, VaCaleb Mangoma, avo vanoita basa rekuweredha, vanoti nezuro vakaswera vakagara vasina basa ravaiita nekuti magetsi akaenda kwemaawa anopfuura gumi.

Mukuru webasa muhofisi yeConsumer Council of Zimbabwe muMasvingo,
VaDumisani Mungutsini, vanoti kudzimwa kuri kuitwa magetsi zvisina
tsurukano kunotyora kodzero dzevatengi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reMuasvingo United Residents and Rate Payers Alliance , Muzvare Rumbidzai Magurupira, vanoti kodzero dzevagari dzekuwana mvura dziri kutyorwa sezvo magetsi ari kudzimwa kudhamu reMutirikwi kunopombwa mvura.

Mutaruri wekambani yemagetsi munyika, Muzvare Prisca Utete, vakaudza
Studio 7 kuti itumire mibvunzo yayo patsambambozha asi havasati vapindura.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaSoda Zhemu, vakati vaisakwanisa kutaura nekuti vaiva pamusangano pane ruzha vakati Studuio7 izovafonera vapedza asi vakange vasisadairi nhare yavo.

Vagari vanoti kuenda kwemagetsi nguva dzakawanda hakusi kukanganisa kubika mudzimba chete, asi kuti kuri kukanganisawo kudzidza kwevadzidzi pamasai-sai munguva ino yekuvharwa kwenyika nepamusana pedenda reCovid-19.

Dunhu reMasvingo rave nemasvondo anosvika mana magetsi achinetsa mazuva ose izvo zvave kufungisa vazhinji dambudziko\ remagetsi rakamboitika mugore ra2008.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG