Accessibility links

Breaking News

Nkosana Moyo: Zimbabwe Inoda Mutungamiri Anoziva Kubata Zvakanaka Hupfumi


VaNkosana Moyo

Mutungamiriri we Alliance for People‘s Agenda, APA, VaNkosana Moyo, nyika inofanirwa kutungamirwa nemunhu ane ruzivo panyaya dzehupfumi hwenyika, kuitira kuti ave nehurongwa hunopa pundutso kumunhu wese.

VaMoyo vanoti vane zvose zvinodiwa pamutungamiri wenyika, nokudaro vanotarisira kukunda musarudzo iyi.

VaMoyo, avo vane makore makumi matanhatu nemanomwe, vanoti pavanhu vose vari kukwikwidza ndivo chete vanotarisirwa kukunda nekuti vane ruzivo nezvehupfumi hwenyika uho vanoti hunoda kugadziriswa kuitira kuti vanhu munyika vave nehupenyu hwakanaka.

Vanoti kuti nyika igadzirisike, inofanira kutungamirwa nemunhu akadzidzira zvehupfuni hwenyika uye ane nhoroondo ine humbowo hunotsvagika kuti akambo handira mune zvehupfumi hwenyika.

VaMoyo vakamboita gurukuta rezvemaindastiri nekutengeserana nedzimwe nyika muhurumende ye Zanu PF muna 2000 kwenguva pfupi. Vakabuda munyika vachiita zvekutiza vachiti havaikwanisa kushanda nehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vakamboshandira banga repasi rose reWorld Bank, banga rebudiriro muAfrica, re African Development Bank kusanganisira International Finance Corporation.

Mumwe mutsigiri waMoyo, VaAntony Mushanduri, vanoti sezvo mutungamiri weAPA ari munhu ane ruzivo munyaya dzehupfumi, ndivo chete vanogona kugadzirisa hupfumi hwenyika kana vakakunda musarudzo.

VaMoyo vanoti kana vakapinda panyanga vachatanga kugadzirisa makambani ehurumende avanoti anofanira kushandirwa nevanhu vane ruzivo rwebasa kwete kupinza vanhu pachizivano nezvematongerwe enyika.

VaMoyo vanoti kana vakasarudzwa semutungamiri wenyika, vachaita kuti vanoita makurukota ehurumende vatsvage basa vachinyorera tsamba dzine magwaro edzidzo anoenderana nebazi nebasa ravanenge vachida kuzoita, kwete kuti vasarudze nemutungamiri wenyika kubva mubato rinenge rakunda.

Vanotiwo hurumende yavo icharwisa huori kuitira kuti vanhu vakwanise kurarama zvakanaka, vachienda kumabasa apo vanenge vamutsa maindasitiri.

Mutori wenhau dzezvematongerwo enyika, Tatenda Chitagu, anoti kunyange hazvo VaMoyo vane ruzivo nepfungwa dzakanaka dzekugadzirisa hupfumi hwenyika, vane mutoro wakakura kuti vakunde musarudzo nekuti vane rutsigiro rushoma nenyaya yenzira yavanoshandisa mukutsvaga rutsigiro.

Nyanzvi mune zvematongerwe enyika, VaMasimba Gonese, vanotiwo makwikwi musarudzo yemutungamiri wenyika ine mabhiza maviri anoti VaNelson Chamisa veMDC Alliance na VaEmerson Mnangagwa we Zanu PF avo vane vatsigiri vakawanda munyika.

VaGonese vanoti VaMoyo vanogona kukundikana musarudzo nekuti vanhu vazhinji munyika vachiri kuvhota vakatarisa mapato ane mukurumbira.

Asi VaMoyo vanoti vane chivimbo chekuti vanhu vakura mune zvematongerwe enyika zvekuti havachangotarisi mapato makuru chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG