Accessibility links

Breaking News

Nhumwe yeKimberly Process Inonyunyuta Nekubirwa Mapepa Ayo


Nhumwa yeKimberly Process ku Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vari kunyunyuta kuti vasori vakapaza briefcase ravo apo vaiva muZimbabwe svondo rapera ndokutora mapepa netsambambozha dzaibva kunyika dzakasiyana siyana.

VaChikane vanoti izvi zvakapihwa vemapepanhau eHerald, Sunday Mail ne ZBC kuti vanyore nyaya dzinoshoropodza Kimberly Process kuti iri kushandiswa kuti Zimbabwe idzingwe mu KP.

VaChikane, avo vakadzokera kumusha kwavo ku South Africa mushure mekuita misangano yakawanda nevamiriri vehurumende, vemasangano akazvimirira, vamiriri vedzimwe nyika nevamwe pamusoro pemangoda ekwaMarange, vati havasati vafunga kuti voita sei mushure mechiitiko ichi.

Va Chikane vachiri kuti Zimbabwe iri munzira kupihwa mvumo yekutengesa mangoda ekwaMarange nekuti iri kuedza kugadzirisa zvinodiwa neKP. Va Chikane vati vari mushishi kugadzirira gwaro ravo pamusoro perwendo rwavo ku Zimbabwe.

Va Dewa Mavhinga ndivo regional information and advocacy coordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition – South Africa. Va Mavhinga vati KP inofanira kuomesera Zimbabwe kana chiri chokwadi kuti vasori vakapaza briefcase raVaChikane.

XS
SM
MD
LG