Accessibility links

Breaking News

Nhomba yeCovid-19 Yosvika muNyika Kubva kuChina


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga nhasi vatambira nhomba yeCovid-19 panhandere yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport.

Nhomba iyi inosvika zviuru mazana maviri uye yakapihwa Zimbabwe neChina. Yauya yakatakurwa nendege yeAir Zimbabwe.

Vana mazvikokota munyaya dzezvemishonga kusanganisira veMedicines Control Authority of Zimbabwe vari kutarisirwa kuongorora nhomba iyi kuti ndeyechokwadi here kwemazuva maviri isati yatanga kubayiwa vanhu.

Vari kutanga kubayiwa vanosanganisira vanachiremba, vakoti nevamwe vanoshanda muzvipatara, vanoshanda pamiganhu nenhandare dzendege uye vane zvirwere zvinovaisa panjodzi yakakura yekufa nechirwere ichi.

Nhomba iyi yakagadzirwa nekambani inonzi Sinopharm inova yehurumende yekuChina.

China yakapa mvumo kuti nhomba iyi itange kubayiwa vanhu mukupera kwaZvita gore rapera. Kunze kweChina, nyika dzakatanga kushandisa nhomba iyi iUnited Arab Emirates ichiteverwa neBahrain. Dzimwe nyika dziri kutenga mushonga uyu dzinosanganisira Singapore, Turkey, Brazil ne Chile.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti zvakanaka kuti vanhu vabayiwe nhomba asi vanofanira kuramba vachizvichengetedza.

Zvichakadaro, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuzivisa nyika kuti vanhu vacharamba vachinzi vagare mudzimba here kana kuti kwete senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-

Huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiderera uye bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo kwakafa vanhu vaviri nechirwere ichi.

Izvi zvinorevea kuti vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachakatanga kupararira vave chiuru chimwe chete nemazana mamana kana kuti 1, 400.

NeSvondo vanhu makumi matanhatu nevasere kana kuti 68 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nemashanu anezana nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 35, 172.

Vanhu mazana mashanu negumi nevaviri kana kuti 512 vakapora kubva kuchirwere ichi nezuro zvasiya vanhu vapora vave zviuru makumi matatu nemazana matanhatu nemumwe kana kuti 30, 601. Vanhu vachiri kurwara zviuru zvitatu nezana nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 3, 171.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG