Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZCTU Yopinda muBhodhi reNSSA


Sachigaro weBhodhi reNSSA VaCuthbert Chindoori negurukota rezvevashandi Doctor Sekai Nzenza
Sachigaro weBhodhi reNSSA VaCuthbert Chindoori negurukota rezvevashandi Doctor Sekai Nzenza

Mushure mekunetsana kwemakore akawanda uye kukandirana makobvu nematate pakati pehurumende nebazi rezvevashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, nezvekuti sangano revashandi rive nemumiriri mubhodhi reNational Social Security Authority kana kuti NSSA, nyaya iyi yazogadziriswa.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU, VaThomas Masvinge, ndivo vakasarudzwa kupinda mubhodhi iri.

Gurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, vanoti vave kushanda zvakanaka nevashandi.

Hurukuro naDoctor Sekai Nzenza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimiririra ZCTU mubhodhi reNSSA vari mutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa, vakadzingwa mubhodhi reNSSA muna 2017 vachipomerwa mhosva yekusvibisa zita rekambani iyi.

ZCTU yakaedza kuti vadzokere zvekare asi hurumende yakatsika madziro.

Asi VaMutasa vanoti havasi havo kufara nematanho avanofanira kutora kana vachisarudza mumiriri wavo.

VaMutasa vanotiwo mamwe makurukota ehurumende ange achitora mukana wekushaikwa kwenhengo yavo mubhodhi kuita zvehuori zvakaona vaimbova gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vachisungwa vachipomerwa mhosva yekuita zvehuori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG