Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeBato raAmai Mujuru Inoti Mwana Wayo Akapondwa neNyaya Inogona Kunge Iine Chekuita nezveMatongerwo eNyika


Amai Joice Mujuru

Mwana weimwe nhengo yemubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition, uyo uri kutungamirirwa naAmai Joice Mujuru, vanove zvakare mutungamiri weNational People’s Party kana kuti NPP, VaRambai Lumbe, anonzi akawanikwa akafa nezuro mushure mekutsakatika kwake kubva pamba nemusi weMugovera.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Mwana uyu, uno anonzi anga ave nemakore matatu, anonzi aitamba panze pamba pavo amai vake vachishanda zvavo vari mumba achibva angonyangadika.

Shamwari yaVaLumbe, uye vari nhengo yebato reNPP, Doctor Julius Musevenzi, vanoti vanofungidzira kuti kushaya kwemwana uyu kune chekuita nezvematongerwo enyika nekuti akawanikwa akasungwa maoko.

Doctor Musevenzi vanotiwo masvondo mashoma adarika, VaLumbe vakambotyisidzirwa nemumwe mutsigiri weZanu-PF vachinzi vasakwikwidze mudunhu reMazowe North, vachiti vakanzi kana vakaramba vachida kukwikwidza pane chaizoitika kuvana vavo. Studio 7 haina kukwanisa kubata vebato riri kufungidzirwa iri, kanawo pamurisa kuti tinzwe divi ravo.

Asi mutumbi wemwana unonzi wakaendeswa kuHarare kuti unoongororwa navachiremba. Vanhu vanonzi vakaungana paSunridge Farm kuGlendale

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG