Accessibility links

Breaking News

Nhengo Ina DzeMDC-T Dzangedzichipomerwa Mhosva YeKukonzera Mhirizhonga Dzoregererwa


Nhengo dze MDC-T ina dzakasungwa muna Ndira dzichipomerwa mhosva yekurova mupurisa muHarare, pamwe nekukonzera mhirizhonga, dzawanikwa dzisina mhosva nedare re Harare Magistrates Courts.

Nhengo idzi dzinoti, Leonard Dendera, Patson Murimoga, Paul Majarira na Jefias Moyo, vamwe vevatsigiri gumi nevairi vange vachipomherwa mhosva yemhirizhonga.

Gweta range richimirira vatsigiri ava, va Aleck Muchademahama vanoti vamwe vatsigiri vasara vachamiswa pamberi pedare musi wa 21 chikumi kuti vapihwe mutongo wavo.

VaMuchadehama vanoti kusungwa kwevatsigiri ava nekuzomiswa pamberi pedare kune zvekuita nezvematongerwo enyika sezvo pange pasina humbowo hwekuti vatsigiri ava vabatwe nemhosva.

XS
SM
MD
LG