Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF muParamende Dzoferefeta MDC neKuramba Kucherechedza VaMnangagwa


VaJacob Mudenda

Komiti inotungamira basa reparamende, yeStanding Rules and Orders yadoma nhengo pfumbamwe dzekomiti ichaongororo zvinonzi zviri kuitwa nenhengo dzeMDC muparamende zvekuratidzira nekubuda mudare iri kana mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varimo.

Amai Priscilla Misiharabwi-Mushonga, avo vaimbove nhengo yeMDC varamba kuve nhengo yekomiti iyi vachiti vachaudza sachigaro wayo, Advocate Jacob Mudenda zvikonzero zvacho.

Vamwe vadomwa kuve mukomiti iyi vanosanganisira, VaKindness Paradza, VaLevi Maihlome, Amai Omega Hungwe, VaJoseph Chirongoma, VaCycil Kashiri naVaAljenia Samson.

Komiti iyi yakaumbwa zvichitevera chichemo chakakwidzwa kudare nevanokokera nhengo dzeZanu PF VaPupurai Togarepi avo vakati zviri kuitwa nenhengo dzeMDC zvekusaremekedza mutungamiriri wenyika kana kubuda paanoouya hazvienderani nemutemo weparamende.

VaMudenda vati vanoona sekuti pane kuzvidza dare kuri kuitwa nenhengo dzeMDC uye izvi ndizvo zvichaongororwa nekomiti yozotura zvainenge yawana nezvirango zvinofanira kupihwa muna Kukadzi gore rinouuya.

Asi nhengo dzeMDC hadzina kufara kuti komiti iyi inonzi iongorore nhengo dzeMDC chete asi nhengo dzeZanu PF dzichivhiringa misangano yekomoti yeparamende pamwe nekuvaatadzisa kuita basa.

Mumiriri weMbizo, VaSettelement Chikwinya veMDC, avo vakati panofanira kuumbwa komiti yakaitwa seyadomwa nhasi kuongorora nhengo dzeZanu-PF vati VaMudenda havana kujekesa kuti komiti iyi ichaongorora zviri kuitwa nenhengo dzeZanu PF here.

Asi VaMudenda vati komiti iyi ichaongorora zvese zvine chekuita nenyaya iyi. Mumiriri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa, veMDC ndemumwewo vati hazvina kujeka pakutaura kwaVaMudenda kuti komiti iyi ichaongororawo zviri kuitwa nenhengo dzeZanu PF here.

Vatiwo havawoni sekuti komiti iyi ichaita basa rayo isina divi rayakarerekera sezvo iine nhengo dzeZanu PF chete.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya vaudza Studio 7 kuti komiti iyi iite basa rayo nemazvo inofanira kuve nenhengo kubva kumapato ose ari muparamende.

Rimwe gweta, VaKudzayi Kadzere vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa neSROC yeparamende zvekudoma nhengo kubva kubato rimwe hazvifambirana nehutongi hwejekerere.

SROC ikomiti ine nhengo kubva kumapato ose ari muparamende. Apo komiti iyi yaizeya nyaya iyi, nhengo dzeMDC dzakabuda mumusangano painge pave kuda kusarudzwa nhengo dzePriviledges committee dzichiti dzainge dzisingabvumirane nedanho rainge rave kuda kutorwa.

MDC inoti panofanira kuve nekomiti isina divi rayakarerekera inoongorora kunetsana pakati pe Zanu PF neMDC kwete kuti Zanu PF itungamire hurongwa uhu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG