Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzoridzira Pfuti neKurova Vanofungidzirwa kuti Vatsigiri vaVaChamisa


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vanonzi vakaridza pfuti uye vakarova vanhuwo zvavo kuNyatsime pedyo neChitungwiza vachivapomera mhosva yekutsigira MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mhirizhonga iyi inonzi yakakonzera kukuvara kwevanhu uye kupwanywa kwemidziyo.

Vatsigiri veZanu-PF ava vanonzi vaienda kurufu uye havana kufara kuona kusina maposita enhengo yeZanu-PF iri kukwikwidza munharaunda iyi. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo.

Mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga avo vakaenda kunotaura nevanhu ava vanoti vabereki vainge vakatakura vana vakaoneswawo chitsvuku vakarohwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kuti tinzwe kana paine akasungwa kunyangwe mapurisa akawanda akanzi akaenda kunoferefeta nyaya iyi.

Mhirizhonga kuHurungwe

Zvichakadaro, vamwe vagari vewadhi 17 pasi pasabhuku Mapfuwamhara kuHurungwe vanoti hupenyu hwavo hahusisina kumira zvakanaka nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika.

Vagari ava vanoti vave kugara vachitya nekuti ishe wavo nasabhuku Mapfuwamhara vari kusarudza vanhu maererano nemapato avanotsigira.

Mumwe wevagari ava aramba kudomwa nezita achityira hupenyu hwake anoti nezuro, munyori wasabhuku akadzingwa basa achipomerwa mhosva yekutsigira mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa uye vamwe vanhu vanonzi vakanyimwa fotereza vakadzingwa pamusangano vachinzi havasi veZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG