Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZanu-PF Dzokandirana Makobvu neMatete kuMashonaland West neNyaya yeSarudzo


Mutevedzeri wemutungamir wenyika VaConstantino Chiwenga nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutevedzeri wemutungamir wenyika VaConstantino Chiwenga nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Dzimwe nhengo dzevechidiki dzebato reZanu PF dzakaratidzira nemusi weSvondo pamusangano webato iri weProvincial Coordinating Committee wanga uchiitirwa paChinhoyi University of Technology.
Vechidiki vanodarika zana vakasvika musangano uri pakati vari mubhazi nemotokari diki ndokusvikoimba nziyo dzehondo yechimurenga. Mukuratidzira kwavo vainge vachiti vanoda sarudzo dzematunhu dzakajeka dzisina chitsotsi. Vakadoma mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza semumwe mukuru asina kuita sarudzo dzematunhu madiki zvakanaka.
Mumwe wevechidiki anga achiratidzira asina kuda kudomwa nezita wekuMhangura anoti pane nzvimbo dzakawanda dzisina kuitwa sarudzo. Izvi zvakatsigirwa nemumwe wevechidiki VaLazarus Meki vekuMakonde vakati vanoda sarudzo dzakachena. VaParadza vakaudza Studio 7 kuti vairatidzira ave vainge vatengwa kuti vakonzere nyonga nyonga mubato.

Saachigaro wedunhu reMashonaland West VaAbia Mujeri vati Mhangura rimwe rematunhu madiki anosvika makumi maviri nemasere asati apera kuitwa sarudzo. VaMujeri vanoti pane vamwe vakuru vari kutaurira vana vebato manyepo panyaya dzesarudzo kuti varatidzire. Mutauriri webato reZanu PF VaChristopher Mutsvangwa avo vanga vari pamusangano vati hapana chekuratidzira sezvo musangano wemusi weSvondo wakange uri wekushevedzera mazita evanhu vakati vanoda kukwikwidza musarudzo.
Sachigaro wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vanhu vari kurwira zvigaro mubato reZanu PF nekuti ndimo munemukana wekupfuma zviri nyore zvinehuori. Munyarikani anoremekedzeka pamusangano wemusi weSvondo vari munyori mukuru wezvekudzivirirwa kwebato reZanu PF muPolitburo VaLovemore Matuke vakati vanhu vanofanirwa kuita sarudzo murunyararo semhuri imwechete.

Kunyangwe hazvo chirwere cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya munyika, vamwe vanopikisa vachirambidzwa kuita misangano nemapurisa, vatsigiri veZanu-PF vange vachiimba vakawanda vasina kana kupfeka mamask. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe kuti sei veZanu-PF vari kuita misangano asi veMDC Alliance vachirambidzwa nguva zhinji.

Sarudzo dzebato iri mumatunhu akawanda dziri kukonzera mhirizhonga uye vamwe vakatoendesana kumatare edzimhosva kuManicaland neHarare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG