Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzodzidziswa neZvekudorongodza Bhajeti Risati Rapasiswa


Muzvinafundo Mthuli Ncube

Mutevedzeri wemutauriri wedare reparamende reHouse of Assembly, Amai Tsitsi Gezi, vanoti nhengo dzeparamende dzinosungirwa kuona kubhajeti ra2019 rinoratidza zvido zveveruzhinji pamwe nekuona kuti mari dzehurumende dzinoshandiswa sezvakatarwa mubhajeti.

Amai Gezi vataura mashoko aya vachivhura musangano wekudzidzisa masachigaro emakomiti eparamende hunyanzvi hwekuongorora bhajeti rakaturwa negurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube nemusi weChina.

Vati masachigaro aya, ayo achatungamira kuzeyiwa kwebhajeti iri kutanga svondo rinouuya, anofanira kunge achinzwisisa bhajeti iri, uye kuve neruzivo rwekududzira nekuona kuti zvaitaurwa naVaNcube ndezvechokwadi here kana kuti zvinokwanisa kuitwa here kana kuti kwete.

Nyanzvi munyaya dzemabhajeti zvakare vari mutevedzeri wemukuru anoona nezvemabhajeti muparamende yeZimbabwe, VaPepukai Chivore, vati zvakakosha kuti nhengo dzeparamende dzive neruzivo rwemabhajeti, kuitira kuti dzikwanise kugadzirisa zvimwe zvinhu dzisati dzapasisa bhajeti iri.

VaChivore vati dzidziso nyanhasi yakakosha chose kunhengo dzeparamende sezvo dzisi nhengo dzese dzeparamende dzinonzwisisa nyaya dzehupfumi kana mabhajeti.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reSouthern Africa Parliamentary Support Trust, VaArtwell Gonese, vatiwo dzidziso yawana masachigaro emakomiti eparamende ichabatsira zvakanyaya apo vachatanga kuzeya bhajeti iri svondo rinouuya.

Mumiriri weBinga South vari nhengo yeMDC, VaJoel Gabuza, zvakare vari sachigaro wekomiti yeNational Assembly inoona nezvemhando dzemoto, vaudza Studio 7 kuti vadzidza zvakawanda zvekuti vave kutoona kuti hapana chinobuda pane zvakataurwa naVaNcube nezuro.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekunze nekutengeserana nedzimwe nyika, VaKindess Paradza veZanu-PF vaudzawo Studio 7 kuti vadzidza zvakawanda zvikuru sei panyaya yekuti mapazi ehurumende anoshandisa mabhajeti sei.

VaChivore vanoti nhengo dzerapamende hadzifaniri kungopasisa bhajeti chete asi kuti dzinofanira kuri penengura zvakadzama, pamwe nekubvunzurudza kuti sei VaNcube vakagova mari sezvavakaita, kuona kuti hurumende inounganidza mari nenzira dzakajeka here, pamwe nekuona kuti bhajeti iri rinogutsa zvido zvevanhuu vese here.

Vatiwo mafiga akataurwa naVaNcube anofanira kuongororwa kuti ndeechokwadi here, zvakataurwa naVaNcube zvinokwanisa kuitika here.

Vati zvakakosha kuita izvi nekuti pane humbowo hwekuti zvizhinji zvinotaurwa mumabhajeti hazvitevedzi uye ange ari manyepo chete.

Vati semuenzaniso hurumende inogaroti inoda kuderedza huwandu hwevashandi vayo, uye kuti yakamisa kupinda vanhu basa asi huwandu hwemari yainotambirisa vashandi iri kuramba ichikwira.

Vatiwo nenhengo dzeparamende dzinofanira kudzamisa pfungwa dzisati dzapasisa bhajeti rinoisa zvikamu makumi mapfumbwane kumihoro sezvo sezvichireva kuti panosara pasina mari yekuti vanhu ava vaite basa.

VaChivore vati zvinhu zvakaita seizvi ndizvo zvinofanira kukosheswa nenhengo dzeparamende dzisati dzapasisa bhajeti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG