Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Kusanganisira Mumiriri weDare reParamende Dzopotera Dzichitya Kupambwa neVasori


Amai Jestina Mukoko (pakati) pamwe naAmai Concelia Chinanzvavana nemurume wavo VaEmmanuel Chinanzvavana.
Amai Jestina Mukoko (pakati) pamwe naAmai Concelia Chinanzvavana nemurume wavo VaEmmanuel Chinanzvavana.

Nhengo nomwe dzebato reMDC Alliance mudunhu reMashonaland West
dzinosanganisira nhengo yeparamende, Amai Concilia Chinanzvavana
dzinoti dzatiza mudzimba dzavo vachitya kupambwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Nhengo idzi dzinoti dzakasvikirwa padzimba dzavo nemotokari chena yemhando dzinotakura veruzhinji kana kuti kombi pamwe nemotokari mbiri dzerudzi rweBenz dzisina manhamba plate. Kombi iyi inonzi yainge isina zvekugarira.

Amai Chinanzvavana vanoti ivo vainge vasiri pamba nguva yakasvika motokari idzi asi mwana wavo uyo ane makore gumi nemana akavazivisa panharembozha ivo ndokuzivisa dzimwe nhengo dzebato ravo sezvo chiitiko chekupambwa chakamboitika kwavari mugore ra2008.

Amai Chinanzvavana vanoti hupenyu hwavo hwuri panjodzi huru zvichitevera kushanyirwa nevanhu vavasingazive ava.

Vanotiwo vanhu ava vakasvikovhara gedhe ravo nemotokari yavo chiratidzo chekuti vaida kuvadzivirira pamba kuti vava pambe.

Imwe nhengo yeMDC Alliance yakasvikirwa pamba VaLloyd Tarumbwa vanoti
varara muchikomo chiri pedyo neBanket mushure mekunge vatiza munguva
dzenomwe manheru apfuura.

Sachigaro weMDC Alliance mudunhu reMashonaland West VaRalph Magunje vanoti hutungamiriri hwebato ravo mudunhu iri hwave kugara hwakabatira hura mumaoko nekuda kwekutevererwa nevavengi vavasingazive.

Ukuwo mutevedzeri wemutauriri webato iri VaClifford Hlatywayo vanoti
hurumende yeZanu PF ndiyo yopa kuti munyika muite semaberekera ingwe.

Zvichakadaro, VaJosphat Ngulube avo vakasvikirwa kumba kwavo muBulawayo nevanofungidzirwa kuti vasori vakasiya varova muzukuru wavo wechidzimai vave muhupoteri muSouth Africa. VaNgulube vanoti vari kuvhimwa nekuda kwekuti vari kufungidzirwa kuti vainge vari pakati pevanhu vaida kuratidzira musi wa 31 Chikunguru.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebato ravo riri kutonga reZanu-PF vari kuramba nyaya yekuti munyika muri kutyorwa kodzero dzevanhu vachiti vanopikisa vachipesvedzerwa nehurumende dzekunze ndivo vari kukonzera kusagadzikana.

Vanopikisa vanoti zvave kutoda mutongi gava kugadzirisa matambudziko ari munyika sezvo vave kuponderwa musagi sekitsi.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG