Accessibility links

Nhengo dzeMDC Dzinopambwa neVanofungidzirwa Kuti Inhengo dzeZanu-PF

  • Blessing Zulu

Sachigaro wemdc-t kumudzi East, VaAbel Samakande, nevanoona nezvekurongwa kwemabasa mudunhu iri, VaSteven Zenda, vapambwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF pamusika weMbare muHarare vakarohwa zvakaipisisa.

Vaviri ava vanonzi vazonunurwa nemapurisa mushure mekunge bato ravo raridza mhere. Musha weMbare pari zvino uri kuita sewaberekera ingwe sezvo vanotsigira Zanu-PF vari muchikwata chinonzi chpangano voita havo mubhedha pamutemo sezvo mapurisa asiri kuvasunga kunyange vari kutambisa vatsigiri veMDC chamutavanhava.

VaSamakande avo vari kuAvenues Clinic vanoti Vambofenda asi mumwe wavo VaZenda ndivo varohwa zvakaipisisa.

XS
SM
MD
LG