Accessibility links

Breaking News

Nhengo dze MDC dziri kutiza mumusha we Mbare muHarare dzichinotsvaga hupoteri munzvimbo dzakasiyana siyana


Nhengo dze MDC dziri kutiza mumusha we Mbare muHarare dzichinotsvaga hupoteri munzvimbo dzakasiyana siyana, kusanganisirawo nepamuzinda webato ravo pa Harvest House.

Izvi zvinotevera mhirizhonga iri kuitika munzvimbo kumbare. Zvinonziwo nhengo dze zanu pf dziri kushungurudza vane dzimba, kuitira kuti vadzinge maroja avo anenge achifungidzirwa kuti inhengo dze MDC.

Thomas Chiripasi anotipa nyaya iyi...

Tichiri panyaya iyi yemhirizhonga iri kuitika kuMbare, rimwe remasangano anomirira kodzero dzevagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti mhirizhonga yemuMbare iri kukonzerwawo negakava riripo munyaya dzehupfumi, zvikuru nzvimbo dzekutengesera, idzo dziri mumaoko eZANU-PF.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa zvesangano iri, vaprecious shumba, vanoti kunyange hazvo mbare ichimirirwa ne mdc muparamende, vakuru vakuru vezanu-pf vari kumanikidza vagari vembare vari nhengo dze mdc kuti vatenge makadhi e zanu pf, kuitira kuti vapihwe nzvimbo dzekutengesera zvinhu zvavo.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro navashumba kuti maonero avo.

XS
SM
MD
LG