Accessibility links

Breaking News

Nhamo Yawedzerwa neCovid-19 Yopa Kuti Vakawanda Varware nePfungwa


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dzinoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa vamwe vachiguma vave kugara mumigwagwa huri kuwedzerwa zvakanyanya nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vakawanda vasisaende kumabasa.

Nyaya yekuti vanhu ava vanogara vachitenderera inoguma yaisawo hupenyu hwavo munjodzi.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa, Doctor Kudakwashe Muchena vanoti chimwe chopa kuti vanopenga vasaendeswe kunorapwa vachiregedzwa vachifamba famba mumigwagwa inyaya yekusanzwisidsa nezvedenda iri. Vanoti vamwe vanotofunga kuti chirwere ichi ingozi inokwanisa kutapuriranwa.

Vanoti izvi zvinoisa hupenyu hwevarwere munjodzi vachipa muenzaniso mumwe mukomana akamhanyira mumugwagwa akatsikwa nemotokari ndokufa muna Samora Machel Avenue Svondo rapera. Ko chirwere ichi chinouya sei chaizvo? Dr Muchena vanotsanangura.

Chiremba ava vakurudzira vatapi venhau kuti vatepfenyure nyaya dzezvirwere zvepfungwa nokuti ndiyo nzira huru ingaita kuti dzidziso iyi isvike kuvanhu vese nokuti zvirwere zvepfungwa zvinorapwa pachena kuzvipatara zvehurumende. Doctor Muchena vanoti denda re schizophrenia ndiro rinonyanya kuonekwa muvarwere vepfungwa avo vanozoguma vave kufamba famba mumigwagwa nokuti havagutsikane kugara panzvimbo imwechete kana pasina mushonga wavari kunwa.

Vatiwo vanofungidzira kuti mukomana wekutsikwa uyu aive avhundundutsirwa nevanhu, akatanga kutiza achibva asangana netsaona.

Imwewo nyanzvi yehutano wezvirwere zvepfungwa, Dr David Mukwekwezeka vanoti mitemo yakadzikwa yokuti vanhu vagare kumba senzira yokudzivirira kutapuriranwa kweCovid 19, iri kuvhiringidzawo mararamiro evanhu vagara vachitora mishonga yokurapa matenda epfungwa nokuti havasi kukwanisa kufamba kuenda kuzvipatara kunopiwa mapiritsi avo nokuti varikushaya mari kana mabhazi okufambisa.

Mukuru anoona nezvehutano hwepfungwa musangano reZimbabwe National Association For Mental Health Dr Ignatius Murambidzi vanotiwo huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa hwawedzera zvakanyanya kubva pakatanga kuvharwa maindasitiri nemisika kubva muna Kurume gore rapera nenyaya yeCovid-19.

VaMurambidzi vanotiwo zvipatara zvehurumende zvinorapa varwere vepfungwa zvinoti Ngomahuru yekuMasvingo neIngutsheni kuBulawayo zvakazarawo nevarwere zvichinyanya kukonzerwawo nevechidiki varikunwa nekuputa zvinodhaka.

Ongororo yakaitwa neWorld Health Organization inoratidzawo kuti muZimbabwe nePakistan madzimai akawanda ave kurwara nepfungwa mushure mekuzvara vana zvikuru munguva ino yekurwisana nedenda reCovid-19. Imwe ongoororo yakaitwa nesangano re

Zimbabwe Association for Human Rights ZADHR muna 2019 yakaburitsawo pachena kuti Zimbabwe ine nyanzvi dzinorapa zvirwere zvepfungwa makumi maviri chete zvinoita kuti dziwandirwe nebasa.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG