Accessibility links

Breaking News

Nemusi weMugovera Hapana Munhu Akafa neCovid-19 muZimbabwe


Bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti hakuna kana munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kanova kekutanga izvi zvaitika kubva musi wa 26 Zvita gore rapera.

Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi huchiri pachiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi matanhatu nevatatu kana kuti 1, 463.

Vanhu gumi nevanomwe kana chete ndivo vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi zviuru makumi matatu nematanhatu ane makumi mashanu nevasere kana kuti 36, 058.

Vanhu makumi mashanu nemumwe kana kuti 51 vakapora kubva kuchirwere ichi zvichireva kuti vanhu vapora kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru makumi matatu nemaviri ane mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe kana kuti 32, 590. Vanhu vachiri kurwara zviuru zviviri nevashanu kana kuti 2005.

Africa

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere kana kuti 3,8 million vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vadarika zviuru nezviviri zvine mazana masere nemakumi mana nevatatu kana kuti 102, 843.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mamana kana kuti 3,4 million.

South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica. Dunhu reSADC ndirozve rine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana masere kana kuti 1,8 million.

North Africa ine vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1, 2 million.

Pasi Rose

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika zana rine gumi nematatu remamiriyoni nezviuru mazana manomwe kana kuti 113, 7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu zvine gumi nerimwe kana kuti 511, 000, vabatwa nechirwere ichi munyika iyi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemasere ane zviuru mazana mashanu kana kuti 28, 5 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nemana kana kuti 64 million.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG