Accessibility links

Breaking News

Chief Ndiweni Votosvorana neVanhu veZanu PF


Chief Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni
Chief Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni

Nyaya yaChief Nhlanhlayamangwe Ndiweni yekushora hurumende pamusoro pemabatirwo enzvimbo yeNtabazinduna kuMatabeleland North iri kutsviriridza munyika vamwe vachitsigira Ishe Ndiweni, vamwe vachivashora.

Chief Ndiweni vanoti gomo reNtabazinduna, iro riri zvinhanho zvinosvika makumi mana kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweguta reBulawayo, riri mukati merimwe purazi rakapiwa VaFloyd Ambrose, danho ravanoti harisi pamutemo.

Chief Ndiweni vanoti gomo reNtabazinduna rakakosha zvikuru kuvanhu verudzi rwechiNdebele vachiti ndipo pakasvikira Mzilikazi kaMashobane uyo akave Mambo wekutanga werudzi urwu.

Mumashoko avakabudisa paTwitter Chief Ndiweni vakatenda rutsigiro rwavari kuwana vachiti havazi kuzodzora tsvimbo pakurwira kuti gomo reNtabazinduna, iro riri pasi penzvimbo yavo, ritorwe nenzira yavanoti isisri pamutemo zvisinei nekushorwa kwavo nevamwe vakuru vakuru vehurumende, veZanu PF nevamwe vanhuwo zvavo.

Zvichitevera kupihwa kwakaitwa VaAmbrose purazi munzvimbo yavo, Ishe Ndiweni vakati hurumende, iyo vakati haisi kuchengetedza mitemo, inofanirwa kuwedzerwa zvirango zvayakatemerwa.

Mutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaVictor Matemadanda, pamwe nemunyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakashora Chief Ndiweni pamusoro pemashoko avo ekukurudzira zvirango.

Asi mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti kunyombwa kuri kuitwa Chief Ndiweni uku kunoratidza kuti hurumende yebato reZanu PF inobata madzishe ichitarisa kuti vabuda mumba maani izvo vati hazvifanirwi kudaro.

Nezuro vamwe vechidiki vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vanonzi vakada kutora nechisimba motokari yaChief Ndiweni, asi vakazokundikana.

Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rabudisawo gwaro rekushora kunyombwa nekushungurudzwa kwaChief Ndiweni richiti panofanirwa kuve nematanho anotorwa kune vakuru vakuru vehurumende vakanyomba Chief Ndiweni pamwe neavo vaida kuvatorera motokari yavo.

Boka revechidiki reMDC muBulawayo ratsigirawo mashoko aya.

Imwe nhengo yeboka iri, VaTakunda Madzana, vati Chief Ndiweni vanofanirwa kurumbidzwa nenyaya yavo yekurwira kodzero dzevanhu vavo.

Asi imwe nhengo yeCentral Comittee yebato reZanu PF, VaJoseph Tshuma, vaudza Studio7 kuti kukurudzira kwaChief Ndiweni kuti nyika itemerwe zvimwe zvirango kunoratidza kuti vave kupindira mune zvematongerwo enyika izvo vati hazvikodzeri kuitwa nemadzishe.

Pane kuratidzira kwakarongwa kuitwa mangwana nevanhu vari kutsigira Ishe Ndiweni vachiti Ishe Ndiweni vanofanirwa kuremekedzwa sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG