Accessibility links

Breaking News

Zvirwere Zvisingatapuriranwi Zvovhiringa Vakawanda


VIRTUAL DOCTORS
VIRTUAL DOCTORS

Nyanzvi muzvirwere zvisingatapuriranwe, kana kuti Non Communicable Diseases, NCDs, vanoti zvirwere izvi zviri kuramba zvichitora hupenyu hweveruzhinji munyika.

Zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana zvendufu dzakaitika mugore ra 2014 dzinonzi dzakakonzerwa nezvirwere izvi.

Mumwe chiremba anoshanda nesangano rinorwira kodzero yehutano, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Norman Matara, vanoti zvirwere zvisingatapuriranwi zvinotora nguva zviri mumuviri munhu asingazive.

VaMatara vanoti kunyange hazvo kare kwaifungidzirwa kuti dambudziko rezvirwere izvi ndere kunyika dzakabudirira, pari zvino zvirwere izvi zviri kukurawo munyika dziri kubudirira.

Dr Matara vanoti veruzhinji vanofanirwa kuchengetedza hutano hwavo kuti vadzivirire zvirwere zvisingatapuriranwe.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezveutano, Amai Bacillia Majaya, vanoti dambudziko remaNCDs rakakura zvakanyanya munyika.

Amai Majaya vanoti nekuda kwekuondomoka kwehupfumi hwenyika, veruzhinji havasi kukwanisa kuzvirapisa, nokudaro, vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekubatsira vanobatwa nezvirwerwe izvi.

Amai Majaya vanotiwo hurumende iri kutadza kusunga kuti dzisimbe mukuedza kugadzirisa dambudziko remaNCDs.

Asi Doctor Matara vanoti kune zvimwe zvirwere zvakaita segomarara remuromo wechibereko negomarara reprostate izvo hurumende iri kudzidzisa veruzhinji pamwe nekugonesa makirinika kuti aongorore zvirwere izvi.

Vachitaura pamusangano wakaitwa ku Uruguay, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati Zimbabwe ine gwara rainotevedzera pazvirwere zvisingatapuriranwe, kana kuti Non Communicable Disease Policy.

VaMugabe vakatiwo pane hurongwa hwekuumba komiti inosanganisira mapazi ehurumende akasiyana siyana kuitira kuti ashande pamwe chete mukurwisa zvirwere zvemaNCDs.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezveutano, VaDavid Parirenyatwa, kuti tinzwe zvizhinji nezvezvirongwa zvehurumende izvi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG