Accessibility links

Breaking News

NCA Inoburitsa Gwaro Rinoratidza Kushungurudzwa kweMadzimai


Masangano anoti reNational Constitutional Assembly kana kuti NCA pamwe nereResearch and Advocacy Unity, aparura gwaro rinoratidza kushungurudzwa kwakaitwa mamwe madzimai anorwira kodzero dzevanhu, mumhirizhonga yakaitika munyika.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi muHarare, mumwe wemadzimai akabatwa chibharo nemasoja, Amai Mary Pamire, vanoti mushure mekubatwa chibharo, havana kuwana rubatsiro rune musoro kubva kusangano ravaishanda naro.

Mushandi mukuru weNCA, VaEnerst Mudzengi, vanoti sangano ravo rakakwanisa chete kutumira Amai Pamire kumasangano anobatsira, kuitira kuti vawane rubatsiro.

Zvichakadaro, sangano rinoongorora sarudzo, reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinotiwo zvinhu zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa munyika musati maitwa sarudzo gore rinouya, sezviri kutarisirwa.

Sangano iri rinoti panofanirwa kugadziriswa gwaro rine mazita evavhoti, kana kuti voters’ roll, uye kuvandudzwa kweZimbabwe Electoral Commission, kuitira kuti vashandi vayo vasave vanorerekera kumapato ezvematongerwo enyika.

National Director veZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanotiwo vanhu vachiri kutyisidzirwa zvikuru munyaya dzekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, uye masangano anoshanda akazvimirira ari kumbunyikidzwa.

XS
SM
MD
LG