Accessibility links

Breaking News

N'anga Dzinoti Vamwe Vanhu Havasi Kutambira Kuti Kune Covid-19 Zvopinza Vakawanda muNjodzi


Mutungamiri weRIMWE sangano rinoona nezvemashandiro evarapi vechivanhu, reZimbabwa National Practitioners Association, ZINPA, VaFriday Chisanyu, vanoti kune varapwa vachiri kuita nharo pane nyaya yokuzvidzivirira kutapurirwa Covid-19 vachiti hakuna denda rakadaro, nokudaro vave kuchenjedzawo nhengo dzavo kuti dzisabvuma kupinza vanhu vakadai mumatare avo nokuti vanotapurira vamwe varapwa chirwere. nechirwere ichi.

Ongororo yakaitwa munyika yakaburitsa magwaro anoratidza kuti chikamu chakakurisa chevanhu vanorwara munyika, vanotanga vamboenda kumatare avana godobori kuti vambovhenekwa nechivanhu vasati vaenda kunorapwa kuzvipatara.

VaFriday Chisanyu vanoti chirongwa chokuchenjedza nekudzidzisa nhengo dzavo chakambomiswa kubukidza nemitemo yeCovid 19 iyo yaidzivisa kuungana kwevanhu senzira yokuti denda iri risapararira.

VaChisanyu vakayambira nhengo dzeZINPA kuti dziite basa radzo zvine hutsanana kuitira kuti murapwa nevanorapa vacho vasatapurirana denda reCovid 19.

Vakakomekedza nhengo dzesangano ravo kuti chirwere cheCovid 19 hachineyi nezvechivanhu, asi kuti chinorapika chete kuzvipatara, kwete kumatare avanagodobori.

Mutevedzeri waVaChisanyu, Amai Sarudzai Jaravaza, vakatsinhira zvakataurwa naVaChisanyu vachiti chirwere ichi chichiriko uye zvave kuda kuti munhu wese atevedzere zvakatarwa nebazi rehutano kuti munhu wese azvidzivirire.

Amai Jaravaza vanoti ichokwadi kuti kune vanhu vasingakoshese nyaya yokuzvidzivirira, uye kune zvakare vamwe vanhu vasingatoziva nezvedenda iri zvokuti chenjedzo iyi inofanira kushambadzirwa zvakanyanya.

Vanoti hapana nhengo yesangano ravo yakashaya kana kurwara neCovid 19 nokuti vazhinji vacho vakawana dzidziso yakakwana nezvedenda iri, asi vachaendera mberi nedzidziso idzi nokuti kune nhengo itsva dzakanyoreswa dzinodawo kuchenjedzwa nezveCovid 19.

Amai Jaravaza, vanoti vanhu vasere kubva mugumi, kana kuti zvikamu makumi masere kubva muzana, vanoshandisa mishonga yechivanhu nepamusana pezvikonzero zvinosanganisira kutevedza tsika dzechinyakare pamwe nekushaikwa kwemari inodiwa naanachiremba kuzvipatara.

Nyanzvi yezvehutano, uye vari mutevedzeri wemukuru anoona nazvezvirwere zvisingatapuriranwe mubazi rehutano, Dr Justice Mudavanhu vakati chinangwa chedzidziso iyi ndechekuti vanoshandisa mishonga yechivanhu pakurapa, vave neruzivo rwekuti hapana mushonga wati wava kushandiswa kurapa Covid-19s, uye chirwere ichi chikabata munhu agara aine zvimwe zvirwere kare zvakaita seshuga, itsvo, chiropa, moyo nezvimwe zvirwere zvinobata vanhu, munhu iyeye anogona kurasikirwa nehupenyu hwake kana akasawana rubatsiro rwepamusoro soro.

Chero zvazvo Covid 19 iri kuratidza kuti inenge yamboderera munyika zvichienzaniswa nepayakatanga, denda iri rasimuka zvakare kunyika dzekumawirira dzakawanda izvo zvaita kuti zvikoro nemabhizimusi zvivharwe zvakare, uye pave nekutyirwa kuti Covid-19 denda iri rinogona kunge richidzokazve zvine simba gore rinouya.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG