Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Simbi Mubako Votaura nezveBhuku Ravo neVamwe Rinotaura Nhoroondo yeAfrica


Sachigaro wesangano reInstitute of African Knowledge, Muzvinafundo Simbi Mubako, vanoti bhuku resangano ravo, rakaparurwa svondo rino nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, reAfrica Fact Book ibhuku rine nhoorondo yeAfrica uye rinokwanisa kushandiswa nemhunu wese pasi rese.

VaMubako vanoti pfungwa dzekunyora bhuku iri dzakabva kusangano reAfrican Union uye hurumende yeZimbabwe ndiyo yakazobvisa mari yekushandiswa pakunyora gwaro.

Vanoti panana Muzvinafundo makumi matatu vane ruzivo munyaya dzakasiyana siyana kusanganisira zvemabhizimisi, mamiririre ekunze, dzidzo nezvimwe vakaisa pfungwa dzavo pamwe ndokunyora pamusoro peAfrica.

VaMubako vanoti bhuku iri rinotsangura mamiriro akaita nyika dzese dzemuAfrica.

Vatiwo bhuku iri rinopembedzawo hunyanzvi hwakaitwa nevana vemuAfrica.

Vaenderera mberi vachiti chinhu chikuru chavanoda kuti bhuku iri rishandiswe muzvikoro zvepasi nepamusoro kudzidzisa vana kuti Africa idunhu rakamirasei.

Vatiwo bhuku iri rinogona kushandiswawo nevemabhizimisi, vamiririri vedzimwe nyika kana nani zvake anenge achida kuziva pamusoro peAfrica uye vati richange rave kuwanikwa muzvitoro zvemabhuku munguva pfupi inotevera.

VaTjenesani Ntungakwa vesangano reRevolutionary Research Institute vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kunyora mamwe mabhuku pamusoro peAfrica vachiti vanovimba kuti Africa Factbook ine zvinyorwa zvitsva pamusoro peAfrica.

Pfungwa dzekunyora Africa Factbook dzakatangwa neAfrican Union Commission yaitaungamirirwa naDoctor Nkosazana Dhlamini Zuma uye chirongwa ichi chakatsigirwa nemahofisi emutungamiriri wenyika muZimbabwe, mapazi matanhatu ehurumende, makambani pamwe nemasangano akazvimirira mukati nekunze kwenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG