Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mary Mubaiwa Voridza Mhere Mushure Mekuendeswa Mujeri Vachirwara


Muzvare Marry Mubaiwa
Muzvare Marry Mubaiwa

Muzvare Marry Mubaiwa, avo vari kunetsana nemurume wavo mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, vanzi nedare vagare mujeri kwemazuva gumi vachiongororwa kuti vanokodzera kumira pamberi pedare vachitongwa here pamhosva dzavari kupomerwa.

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaLanzini Ncube, vatura mutongo wekuti Muzvare Mubaiwa, avo vasiri kunzwa zvakanaka, vagare mujeri kwemazuva gumi kuti vaongororwe nanachiremba vehurumende vari mujeri kuti hutano hwavo hunokodzera here kuti vamire mudare vachitongwa.

Mutongo uyu wauya apo anachiremba vehurumende vaviri vakapa miwono yakasiyana mudare umwe achiti Muzvare Mubaiwa vanokodzera kuti vamire pamberi pedare asi umwewo achiti izvi hazvikwanisike nekuti vari kukanganwa nekukurumidza uye vari kuratidza kuti vari kushungurudzika mupfungwa nekuda kwekusaona vana vavo avo vavari kunyimwa naVaChiwenga avo vavari kunetsana navo mumatare.

Mutongo wedare ati aona zvakakodzera kuti Muzvare Mubaiwa vagare mujeri vaongororwe nevamwe anachiremba vozodzoka kudare mushure memazuva gumi. Mumutongo wavo, VaNcube vatiwo nyaya yekuti Muzvare Mubaiwa vadzosererwe pasipoti yavo kuti vanorapwa haisi nyaya iri pamberi pedare zvekuti vangature mutongo wekuti Muzvare Mubaiwa vapihwe pasipoti iyi kuti vanorapwa kunze kwenyika sezvavari kuda.

Paturwa mutongo uyu, Muzvare Mubaiwa naamai vavo nedzimwe hama dzanga dziri mudare varidza mhere pamberi pemutongi wedare.

Rimwe remagweta aMuzvare Mubaiwa, VaDoug Coltart, vati havasi kufara nemutongo waturwa nedare vachiti izvi zvaratidza kuti pari kushandiswa nyaya dzezvematongerwo enyika kwete mutemo. VaColtart vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Mutongo uyu usati waturwa, Muzvare Mubaiwa, avo vanga vachidedera uye kutadza kutaura zvakanaka vachiratidza kuti vari kurwadziwa, vakumbira masangano anorwira kodzero dzevanhu kusanganisira United Nations kuti apindire munyaya yavo kuti vakwanise kuti vanorapwa pamwe nekuwaniswa vana vavo.

Muzvare Mubaiwa vatiwo dai mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapindirawo munyaya iyi vakati chinovarwadza ndechekuti murume wavo uyo wavari kunetsana naye ari kushandisa simba rake rezvematongerwo enyika kudzinyirira kodzero dzavo.

Muzvare Mubaiwa vari kupomerwa mhosva yekunzi vaida kuuraya VaChiwenga pavaive mune chimwe chipatara chekuSouth Africa, kufojera mapepa emuchato, kubuditsa mari munyika zviri kunze kwemutemo pamwe nekurova musikana aishanda kumba kwavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG