Accessibility links

Breaking News

Muzvare Jestina Mukoko Voremekedzwa neMubairo weKushinga


Muzvare Mukoko mumwe wemadzimai gumi vakadomwa seavo vacharemekedzwa nemubairo we International Women Of Courage.

Mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vari kupihwa mubairo neChitatu muAmerica nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica.

Mubayiro uyu unonzi International Women of Courage. Muzvare Mukoko mumwe wevanhukadzi gumi wachapihwa mubairo uyu, negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Hillary Clinton.

Vamwe vari kupihwa mubairo uyu vanosanganisira Shukria Asil na Shafiqa Quraishi veku Afganistan; Androula Henriques weku Cyprus, Sonia Pierre weku Dominican Republic, nevamwe.

Muzvare Mukoko vakapambwa kubva pamba pavo nevanofungidzirwa kuti vasori muna Zvita 2008 vakapedza mazuva akawanda pasina anoziva kwavainge vakachengetedza.

Muzvare Mukoko vakatochwa munguva iyi, vakazobuda vari mumaoko emapurisa apo vakange voendeswa kumatare edzimhosva.

XS
SM
MD
LG