Chizvarwa cheZimbawe, chinogara kuLaguna Beach, California muAmerica chasimudzira mureza wenyika nekutora nzvimbo yemutambi mukuru mufirimu rinonzi , “A woman in a Man’s World”.
Firimu iri rakabatanidza vanhu kubva kunyika dzakasiyanasiyana kuti vazoshanda pamwechete kurwira kodzero dzemunhukadzi mukurarama kwake.
Chiedza Mavangira, wesangano reBlack Money Brands anoita zvinhu zvakasiyana siyana kusanganisira , zvepadandemutande, zvemafirimu, mitambo uye parizvino anoshandazve nekambani inoita zvekutengesa dzimba, yeNewport Realty.
Chiedza akashandawo nevamwe vane mukurumbira saJose Eber kuBervely Hills, Charlie Lapson weRed Carpet Tips nevamwe.
Muzvare Chiedza ane nhoroondo yekunyora nekuburitsa mafirimu mapfupi mamwe akabuda panhepfenuro ine mukurumbira zvikuru yeDiscovery Channel.
Zvimwe zvezvinyorwa zvake zvakaburitswa muFashion Consciousness Magazine, The Corsair (Santa Monica College paper) ne padandemutande rake.
Chiedza anotevererwa neveruzhinji munyika dzepasi rose kusanganisira Switzerland, South Africa, Europe neDubai.
Anoshandawo nemukoma wake Nettu mune zvimwe zvirongwa zvavanoita pamwechete seEVE, Chitoro chinotengesa mhete, zvuma nezvimwe zvemucheno wemadzimai zvinobva kuZimbabwe nekune dzimwe.
Facebook Forum