Accessibility links

Breaking News

Muzinda weZimbabwe kuBotswana Woshanda Nguva Pfupi neNyaya yeCovid-19


Muzinda weZimbabwe uri muBotswana wave kuvandudza mashandiro nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19 munyika iyi paine kurudziro yekuti vanhu vashandisewo madandemutande nembozhanhare.

Vanoona nezve kuburitswa kwemashoko pamuzinda weZimbabwe muBotswana, VaFrancis Chimina vaudza Studio7 parunhare kuti iri nderimwe danho rekuderedza mazuva ekushanda kubva pamashanu kusvika pamana pavhiki nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Pataenda pamhepo, VaChimhina vange vasati vakwanisa kupa Studio 7 huwandu hwezvizvazvarwa zveZimbabwe zvafa nechirwere ichi muBotswana .

Asi muchiziviso chakaburitswa nemuzinda uyu, vanoda rubatsiro rwekuti vakwanise kutakura mufi kubva kuBotswana kuenda kuZimbabwe vanofanira kuita zvekutumira mapepa anodikwana panharembozha vachishandisa WhatsApp panhamba dzinoti 2677 196 7240 ndinodzokorora zvakare nhamba idzi 267 7 196 72470.

Kana munhu achida kuendesa mutumbi kuZimbabwe panodiwa magwaro kana kuti copy anoti rerufu, death certificate, gwaro rekufambisa, passport, tsamba yekuratidza kuti mugtumbi hauna chirwere chinogona kutapurirwa vapenyu, tsamba yekuti mutumbi wachengetedzwa kuti usaore uye kune vanenge vafa nechirwere cheCovid-19, vanofanira kuiswa mubhokisi risingavhurike kana kuti zinc-hermatically filled coffin. Izvi zvinodiwa nenyika yeBotswana zvekare.

Asi pane vanoda kuradzika hurumende muBotswana panodiwa gwaro rerufu, gwaro rekufambisa kana chitupa uye gwaro rekufambisa rehama yepedyo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorarama nechamuka inyama muguta reGaborone, VaEken Tendai Chidarikire vaudza Studio7 kuti hurongwa uhu huri kuomesera zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika iyi.

Vanotiwo dai muzinda weZimbabwe watsvaga dzimwe nzira dzekubatsira nadzo vanhu nokuti vakasadaro ruzhinji rwuchatsvaga nzira dzekuendesa

Asi chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reGaborone VaHoward Munemo vanoti danho ratorwa nemuzinda weZimbabwe muBotswana idanho rakanaka kwazvo.

Nyanzvi munyaya dzehutano hweruzhinji uye vari mukoti pachipatara chikuru cheNyangabgwe Referral Hospital muguta reFrancistown, Muzvare Jestina Mayambutse vanoti vanhu vanofanira kuziva kuti hutachiona hunokonzera COVID-19 hunogona kutapuriranwa nekugamuchidzana mapepa chaiwo.

Botswana ine vanhu zviuru zana nematanhatu zvine mazana matanhatu ne makumi mapfumbabwe (106, 690) vakabatwa nechirwere icho chauraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 1, 569.

Mizinda yenyika dzakawanda pasi rose iri kuderdza huwandu hwevashandi mukuyedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG