Accessibility links

Breaking News

France Inoramba Nyaya yeZvirango Yakaburitswa neHerald


European_Union

Muzinda weFrance muHarare waramba mashoko akabuda mubepanhau re Herald ekuti vanga vari mumiriri weFrance muZimbabwe, Va Laurent Contini, vakati European Union inofanirwa kubvisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nevamwe vavo.

VaContini vanonzi vakataura mashoko aya pavakaenda kunoonekana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Asi vakafanobata chinzvimbo chemumiriri weFrance muZimbabwe, Va Dietmar Petrausch, vanoti VaContini havana kutaura mashoko akadai sezvo nyika yavo inosungirwa kutevedza zvisungo zvenyika dzese dzemu European Union.

Vatiwo nyaya yezvirango ichataurwa pamusangano weEuropean Union muna Kukadzi. VaPetrausch vanoti zvisingo zvinobuda pamusangano uyu ndizvo zvichatevedzwa nenyika dzose dziri mugungano iri

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vachiona nezvekufambiswa kwezvirongwa zvesangano re Centre for Community Development, Va Phillip Pasirai, vanoti zvirango zvinofanirwa kuramba zviripo kudzamara Zanu PF yava kuremekedza zviri muchibvumirano che Global Political Agreement.

VaPasirayi vanoti pari zvino Zanu PF ichiri kutyora chibvumirano chakavakisa hurumende yemubatanidzwa, uri kodzero dzevanhu dzichiri kumbunyikidzwa nevatsigiri vebato iri.

XS
SM
MD
LG