Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Voenderera Mberi neMusangano Wavo neSvondo muBulawayo


Muzvare Thokozani Khupe
Muzvare Thokozani Khupe

Musangano wakadaidzirwa nemutevedzeri wemutungamiri we MDC T, Muzvare Thokozani Khupe, uri kuenderera mberi mangwana sekurongwa kwazvakaitwa. Muzvare Khupe vakakokera musangano uyu urukutarisirwa kuti utaurwe nezveramangwana maererano nehutungamiriri hwavanoti hwakatorwa naVa Nelson Chamisa zviri kunze kwe bumbiro remutemo re MDC T.

Muzvare khupe, avo vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri we MDC T vanoti musangano wavo uri kuenderera mberi mu Bulawayo mangwana, zvisineyi kuti kune vanhu vari kufambisa mashoko ekuti musangano uyu hauchaitwa.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori wezvekurongwa kwemisangano, VaAbednico Bhebhe. Va Bhebhe vataura izvi vari mumusanagano wekuronga nezvamangwana nevamwe vatungamiririr ve bato iri ku Bulawayo.

Mutevedzeri wemunyori wezvemadzimai mu MDC T, Amai Dorothy “Gonyeti’ Ndlovu, vanoti musangano uyu uchaitwa mangwana kunyange hazvo vavengi vari kuedza kuda kuvhiringa hurongwa hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG