Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika yeMalawi VaBingu Wa Mutharika Vanoshaya


Pane mashoko ekuti mutungamiri wenyika yeMalawi VaBingu wa Mutharika vashaya. VaMutharika vanonzi vakarwara zvakaipisisa nechirwere chemoyo neChina vakazoguma voendeswa kuSouth Africa sezvo zvipatara zvemunyika yavo zvange zvisina kumira zvakanaka uye zvichinzi zvainge zvisina magetsi.

Kunyangwe vanhu vekuMalawi vasati vaziviswa zviri pamutemo nezverufu urwu, vanotora nhau vanosanganisa VOA, Reuters, BBC nevamwe vanoti VaMutharika vashaya. VaMutharika vange vave vemakore makumi manomwe nemasere uye vakasarudzwa kutungamira Malawi kutanga mugore ra2004 uye 2008.

Nyaya yekufa kwaVaMutharika yakonzerawo mutauro wakanyanya munyika dzakawanda sezvo mumwe mufundisi wekuNigeria TB Joshua ange ayambira kuti pane mutungamiri wenyika yemuAfrica achafa

Muzvare Betty Makone vesangano reGirl Child Network vanoti vanotarisira kuti mutevedzeri waVa Mutharika, Amai Joyce Banda ndivo varikutarisirwa kutora chigaro chemutungamiri wenyika, vachiva mudzimai wekutanga kuChamhembe kweAfrica kuva mutungamiri wenyika.

XS
SM
MD
LG