Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMugabe Voita Musangano naArchbishop Williams


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neMuvhuro vakaita musangano naArchbishop Rowan Williams kuState House muHarare.

Archbishop Williams avo vane muzinda kuLondon, vakapinda munyika nemusi weSvondo vachibva kuMalawi. VaMugabe naAchbishop Williams vaiedza kugadzirisa hondo inotyisa zvikuru iri mukereke yeAnglican. Chechi iyi yakapatsanuka nepakati nekuda kwemakakatanwa.

Chimwe chikwata chave kutungamirwa naBishop Nolbert Kunonga chimwe chichitungamirwa naBishop Chad Gandiya.

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi anoti VaWilliams vakaudza vatori venhau kuti vainge vaudza VaMugabe kuti semutungamiri wenyika vanofanira kumisa kushungurudzwa kuri kuitwa vamwe vatenderi nevari kutsigira VaKunonga. VaWilliams vapa VaMugabe gwaro rine humbowo hwekuti VaKuonga vari kushungurudza vamwe vatenderi.

Asi VaMugabe vanonzi vati havazivi kuti pane vanhu vari kushungurudzwa muAnglican.

Bishop Kunonga vachitsigirwa nematare vakatora zvivakwa zvese zveAnglican uye vari kudzinga vanotsigira VaGandiya mumakereke.

Zvichakadaro mutori wedu wenhau kwaMutare, Loirdham Moyo anoti vanotsigira VaKunonga vadzivisa Archbishop Williams kupinda mune mamwe makereke ekuManicaland. Vanhu ava vati Archbishop Williams vanotsigira hungochani. Asi VaWilliams vati chechi yeAnglican haina kana payakati inotsigira hungochani.

XS
SM
MD
LG