Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri Mutsva weZCTU Anoti Chinangwa Chake Ndechekurwirwa Kodzero dzeVashandi


Amai Florence Taruvinga
Amai Florence Taruvinga

Mutungamiri mutsva wesangano guru revashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU), anova zvekare mudzimai wekutanga kutungamira sangano iri Amai Florence Mutasa, vanoti hapana nguva yekutarisa zvakaitwa kare musangano ravo, vachiti pane basa zhinji rinofanirwa kuitwa.

Amai Taruvinga vaudza Studio 7 kuti kusimudzira hupenyu hwemushandi zvinoda mushandirapamwe musangano ravo.

Vati chinangwa chesangano ravo ndechekuchengetedza nekurwira kodzero dzevashandi vose, zvisinei kuti basa ravanoita nderipi.

Sangano reZCTU rakaita kongiresi yaro kupera kwesvondo rikasarudza hutungamiri hutsva uho hwakaona VaPeter Mutasa vachikundwa musarudzo yemutungamiri wesangano iri kuchisarudzwa Amai Taruvinga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG